Mitambo yezitusU yoitwa

26 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

CHICHANGE chakabvondoka svondo rino paMkoba Teachers College kuGweru apo pachatambirwa mitambo yeZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union Tournament.
Mitambo iyi ichange iri yezvikwata zvinobva kumayunivhesiti, makoreji anodzidzisa varairidzi pamwe nemapolytechnic izvo zvichakwikwidza   munhabvu, basketball, volleyball, rugby, netball necricket.
Makwishu aya achaitwa kutanga musi weChina uye anotarisirwa kupera neMugovera.

Mutungamiri weZTISU, Martin Zibwi, anoti mayunivhesiti, makoreji nemapolytechnic aya achatumira zvikwata zviviri zviviri pamitambo yese ichakwikwidzwa zvinoreva kuti pamutambo wega-wega pachange pane zvikwata zvitanhatu.

Zibwa anoti mutambo uyu uri kushandiswa kuumba chikwata chimwe chete icho chichazonomirira Zimbabwe kumitambo yeConfederation of Universities and Colleges Sports Association Games uyo uchatambirwa kuZambia mwedzi inotevera.

 

Share This:

Sponsored Links