Mitemo yebvunzo

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
ZVOTOENDA kwamvura yacheka makumbo tati regai tipinde mukunonyora bvunzo tiine mitemo chaiyo iyo tinofanirwa kutevedzera kuti tibvutire vakwenyi vebasa zvibodzwa nezadzamatura yegoho. Tingange togona chose kurudunura madimikira kana tsengesarurimi dzetsumo asi isu tisina hwaro hwemanyorero emandorokwati.

Kana tisina hwaro hwemitemo inofanirwa kutevedzerwa, zvinoreva kuti gadziriro yedu haina maturo. Apa tati tionesane nekupana chenjedzo kuitira kuti tivakirire ruzhowa pagadziriro yatakaita pamakore manomwe ose aya.

Chakaipira bvunzo ndechekuti rakafanana nemimba isati yazvarwa, hapana anoziva kuti muchabudei mudumbu imomo. Zvichida muchabuda dusvura kademo chaiye anoponda vanhu kana kuti muchabuda muvhangeri nokudaro gadziriro yekupona inoitwa chete kuchinhongwa zvakasiyana-siyana.

Ndizvo zvatinoita munyaya dzakanangana nebvunzo. Tinonhanhira nekukumba zvose hezvi chikamu chino nechapfuura tiri kumhanyisana nepfekedzo.

Chikamu chakapfuura ndakabata nyaya yemhando dzepfekedzo dzandakati tichadzirudunura muchikamu chino. Tine mhando yepfekedzo yechibvunzo (question mark). Chibvunzo chinoshandiswa pese patinonyora chirevo chemubvunzo sekuti, Uri mugwaro rechingani?

Vana vazhinji vanorasika pakuzoda kupfekera chibvunzo pamubvunzosiri. Mubvunzosiri haudi chebvunzo pekupedzisira asi kuti panotopinda chindaguma.

Mukuita kwedu pfekedzo muzvirevo nezvinyorwa tinoshandisa chinonzi chikuwo (exclamation mark). Chikuwo tinochishandisa pese patinonyora zvirevo kana mazwi anoratidza kushamisika. Chinoshandiswa zvakare panenge panyorwa mazwi anotaridza kuvhunduka kana kudeedzera. Mazwi kana zvirevo zvine chekuita nekukanuka zvinoisirwa chikuwo kumberi.

Tinogona kutaura tichiburitsa mazwi chaiwo akataurwa nemunhu kana kuti tinogona kuzotaurawo napapfupi nemamwe mazwi asi zvisingauraye dingindira renyaya yakataurwa. Paya patinoburitsa mazwi chaiwo anyakutaura tinofanirwa kuakomberedza nezviratidza mutauri (quotation marks kana kuti inverted commas).

Ngatitorei chirevo chinotevera semuenzaniso, Chidyamatehwe akati, “Ndisvitse pfumo rangu nemiseve ndipinde musango.” Zviratidzamutauri zvinokomberedza mazwi chaiwo akataurwa semataurirwo aakaitwa.

Kana toda kuratidza zvinhu zviri kuda kudomwa tinobva tashandisa zvidonhwe (colon)(:). Zvidonhwe zvinoshandiswa zvakare kana mazwi achatevera achada kuzonyorwa. Semuenzaniso, Ratidzai akaona mhuka dzinoti: tsoko, nhoro, ngwarati nemakudo.

Kubva muzvidonhwe zvepfekedzo tinowana zvidonhwegasva (;) (semi-colon). Chidonhwegasva chinoshanda panzvimbo mbiri muzvinyorwa. Tinochishandisa paya panonyorwa pfungwa mbiri dzinoenderana sekuti, Sekuru vakasvikoti zete kugara mumumvuri; ambuya ndokuvaigira komichi yemvura.

Tinopfekera zvakare chidonhwegasva pese panonyorwa pfungwa dzichitevedzana muzvirevo zvirefu zvine zviturabefu mukati mazvo.

Zvatabata muchikamu chino nechakapfuura ndizvo zvinogona kuvaka kana kupunza goho redu kana takatarisana nebvunzo redu regwaro rechinomwe nekuzoenda mberi kuzvikoro zvepamusoro. Vakwenyi vebasa havangoerekana vakanda goho pachinyorwa asi kuti pane ongororo inotanga yaitwa pachipiwa mwero wegoho unoringana nechinyorwa nemanyorerwo. Chinyorwa chega chega chinotungamirirwa nemunyori wacho nokudaro mutungamiri ngaave neruzivo rwakakwana kubvira kumapatsanurirwo emazwi nemabatanidzirwo acho. Zvinoda zvakare kuziva mutauro wacho chaiwo kuti sungawirirano igonyatsobuda uye mutauro ugorungwa nezvirungamutauro zvakaringana.

Chikamu chinotevera tinoda kubata zviri maererano nekubatanidza nekupatsanura mazwi. Vavariro ndeyekuti kana tonyora basa, mhosho dzigoita shoma uye tisvitse mukwenyi webasa mukukutura dengu regoho pazvinyorwa zvedu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey