‘Mitemo yetsiva inoda kuvandudzwa’

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views
‘Mitemo yetsiva inoda kuvandudzwa’ Bathlomew Dendere

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Boxers Association of Zimbabwe rakakurudzira bhodhi idzva richagadzwa reZimbabwe Boxing Board of Control kuti riongorore mimwe mitemo iri kutadzisa kusimukira kwemutambo uyu munyika.

Pasi pemutemo uripo wetsiva parizvino, uyo wakadzikwa mugore ra1957, nhengo dzebhodhi reZBBC dzinosarudzwa negurukota rebazi rezvemitambo uye madzimai haatenderwe kuti vakwikwidze mumutambo uyu.

Munguva inotevera, gurukota rezvemitambo Cde Makhosini Hlongwane vanotarisirwa kudoma nhengo idzva dzinofanirwa kuzotungamira tsiva kwemakore matatu anotevera.

Vachadonwa ava vachange vachitsiva bhodhi raivepo raitungamirirwa naPaul Nenjerama iro rakagadzwa mugore ra2013.

Mutungamiri weZimbabwe Boxers Association of Zimbabwe – Bathlomew Bendere – anoti nhengo dzinopinda mubhodhi reZBBC dzinofanirwa kuvhoterwa sezvinoitwa vatungamiri vemimwe mitambo izvo zvinobatsira kuti vanhu vane ruzivo rwemutambo uyu vagoutungamira.

Dendere anoti kuti mutambo wetsiva ugosimukira hunge vatungamiri chaivo vasarudzwa kupinda pazvigaro izvi.

“Isu chatinoda kuti mitemo yetsiva itariswe zvakasimba saka basa rekutanga rinofanirwa kuitwa nebhodhi idzva richagadzwa negurukota rezvemitambo kuongorora mitemo iyi nekuti ndeyekare. Tinoziva kuti ibasa guru pakushandura mitemo iyi nekuti inofanirwa kuendeswa kudare reParamende zvigonokurukurwa nezvazvo.

“Kumhanya-mhanya kwatiri kuita uku tiri kuda chaizvo kuti mutambo wetsiva usimukire zvakasimba sezvawakaita kune dzimwe nyika uye vatambi vemuno vagorarama hupenyu hwakanaka saka panoda shanduko huru kuti zviitike,” akadaro Dendere.

Zvakadaro, sangano reZim Boxers Association of Zimbabwe richasangana svondo rino nemusi weMugovera muHarare apo richaita musangano weAll Stakeholders Meeting wekutsvaga nhengo dzavanofungidzira kuti dzingapinde mubhodhi reZimbabwe Boxing Board of Control.

“Tiri kuita musangano wedu weAll Stakeholders Meeting svondo rino apo tichagara pasi nenhengo dzakasiyana tosarudza vanhu vatinofunga kuti vakakodzera kupinda mubhodhi iri reZBBC toendesa mazita acho kugurukota rezvemitambo.

“Zviri kwavari kana vachida kutarisa mazita aya asi tinoda kushanda navo zvakasimba tichibatsirana kusarudza nhengo dzatinoona dzakakodzera kutungamira mutambo wedu uyu,” akadaro Dendere.

 

Share This:

Sponsored Links