Mitengo yefeteraiza yokwira

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Mitengo yefeteraiza yokwira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VARIMI vazhinji vari kunyunyuta nekuda kwekukwira kuri kuita mitengo yezvekushandisa mukurima, zvikuru sei yefeteraiza izvo vanoti zvinogona kudzosera kumashure budiriro yemwaka wa2017-18.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo kuzvitoro zvakasiyana-siyana muguta reHarare zvinotengesa zvekushandisa pakurima ndokuona varimi vachichema-chema zvikuru nekuda kwekukwira kwemitengo.

Semuenzaniso, 50 kg yefeteraiza – iyo yaitengwa ne$26 mwaka wadarika – parizvino iri kuita $38 apowo mbeu yechibage yaiita $5 pa2 kg yakakwira kuenda pa$7.

Mune zvimwe zvitoro, 25 kg yefeteraiza yemhando yeAmmonium Nitrate iri kutengeswa ne$17,50 kozoti 25 kg yembeu yechibage iri kuita $70 – $80.

VaPaul Zakariya vanova executive director wesangano reZimbabwe Farmers Union (ZFU) vanoti mwaka wa2017-18 wakaomera varimi zvikuru nekuda kwekukwira kwemitengo yezvekushandisa.

“Dambudziko rekushaikwa kwemari yekunze nekungokwira kuri kuita zvinhu zvese kusanganisira zvekudya riri kuisa varimi panguva yakaoma. Varimi vari kudhurirwa nembeu, feteraiza, mishonga nezvimwe uye zviri kunyanya kukonzerwa nekuti vari kutengesa zvekushandisa izvi vari kutenga zvimwe zvezvinhu zvavanoshandisa mukugadzira kune dzimwe nyika saka vari kudhurirwa mukutenga mari yekunze nemukutakurisa. Saka panozopinda zvinhu muno zvinenge zvava kutengeswa nemari yepamusoro nekuti vatengesi vanenge vava kuda kudzosa mari dzavakashandisa kuti vasarasikirwe,” vanodaro.

VaZakariya vanoti zvava kuda kuti Hurumende inge ichipindira, zvikuru sei mukubatsira varimi nezvekushandisa nenguva.

“Panguva iyo varimi vari kudhurirwa kudai, mitengo yezvirimwa zvavo iri kuramba iri mimwe chete. Saka murimi wemuZimbabwe anoramba ari murombo kana dambudziko iri rikasagadziriswa nenguva,” vanodaro.

Zvakadai, mutauriri weindasitiri yemakambani anogadzira feteraiza (Fertilizer Industry) – VaTapiwa Mashingaidze – vanoti kumwe kudhura kwezvekushandisa kuri kukonzerwa nezvakasiyana.

“Hongu, takatambira zvinyunyuto kubva kuvatengi zvekuti zvinhu zviri kuramba zvichikwira, zvikuru sei feteraiza. Kune zvimwe zvinhu zvakakwira mitengo zvakadai semidziyo yekupekera feteraiza nokudaro mitoro yese iyi yava kuwanikwa ichiturirwa kuvatengi. Feteraiza zhinji yatiri kugadzira iri kuenda kuzvirongwa zveHurumende zvakadai seCommand Agriculture uye yose iyi ine mitengo yakangofanana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti vanodzika mitengo yezvinhu ndevanotengesa kwete makambani anogadzira feteraiza nekudaro Hurumende inofanira kutarisa nyaya imwe neimwe yakazvimirira.

“Kune pamwe patiri kuona kuti vamwe vatengesi vari kungokwidza mitengo yezvinhu pasina zvikonzero. Pane fungidziro iri muvanhu yekuti feteraiza ingangoshomeka asi izvi zvinogona kuitika kwenguva diki mune zvimwe zvitoro zvisingarevi kuti idambudziko guru ringaita kuti mitengo inge ichikwira,” vanodaro.

VaMashingaidze vanoti vakawaniswa mari yekunze nebhengi reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) yekutenga zvekushandisa nokudaro makambani ese anogadzira feteraiza akadai seZFC, Windmill neOmnia ari kushanda zvizere.

“Makambani anogadzira feteraiza ari kuwaniswa mari yekunze neRBZ inosvika $600 miriyoni,” vanodaro.

Hurumende yakatoumba chikwata chinotungamirirwa nebazi rezvemaindasitiri nekutengeserana nechinangwa chekuti nyaya dzekukwidzwa kwemitengo dzinge dzichitariswa.

Share This:

Sponsored Links