Miti 1 000 paChinamhora

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views
Miti 1 000 paChinamhora

Kwayedza

TREES
Malven Mugadzikwa

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zvekurima izvo zvinosanganisira kudyarwa kwemiti nedonzvo rekuti vana vakure vachiziva kuchengetedza zviwanikwa zvenyika. Mashoko aya akataurwa svondo rapera naVaAugustine Mukaro vekambani yeFriends of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, pachikoro cheChinamhora Secondary School, kuDomboshava apo paisimwa miti 1 000.

Bepanhau reKwayedza, rakabatana neNyaradzo, vane chirongwa chekusima miti muzvikoro, makiriniki nemachechi nyika yose nedonzvo rekudzoreredza mazsango eZimbabwe.

Zvikoro zvinoda miti zvinongonyorera kuKwayedza kuti zvinoda miti yakawanda zvakadii.
“Muzvikoro ndimo munofanira kubva ruzivo rwakanyanya rwekusima miti kuburikidza nezvidzidzo zveAgriculture.

Zvidzidzo izvi hazvingogumiri pakuti vana vechikoro vadzidziswe zvirimwa zvemubindu chete asi kuti chero mhando dzemiti. Ngavadzidziswewo kuisima, kuuchika pamwe chete nenzira dzekuichengetedza.

“Kudzidziswa kwevana uku kunoita kuti vave neruzivo urwu vachienda narwo kunharaunda dzavanogara zvichiita kuti vanhu vose vazive kukosha kwemiti nekuichengetdza,” vakadaro VaMukaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wemukuru wechikoro cheChinamhora Secondary, VaJulius Gunzo, vakakurudzira kusimwa pamwe chete nekuchengetedzwa kwemiti vachiti inobatsira zvakawanda muupenyu.

Share This:

Sponsored Links