Uncategorized

Mombe 5 dzekutora mukadzi wasahwira l‘Uri kutamba, ini handirambwe zvekumhanya’

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Mombe 5 dzekutora mukadzi wasahwira l‘Uri kutamba, ini  handirambwe zvekumhanya’

Kwayedza

Nyasha Chimanga

Nyasha Chimanga

MUMWE mudzidzisi wepachikoro chiri kwaMudhindo, kuGuruve, svondo rapera pamberi akaripiswa mombe shanu nedare raMambo Bepura zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekudanana pamwe nekushereketa nemudzimai wasahwira wake wepamoyo.

Kumbirai Gwezhira, uyo anodzidzisa Grade 6 pachikoro cheChifamba Primary School, akamiswa mudare iri ndokubatwa nemhosva yekudanana naNyasha Chimanga, uyo anove mudzimai wasahwira wake, Wellington Chimanga.

Wellington anoshandira bazi reDepartment of Veternary Services ikoku. Mambo Bepura vanoti nyaya iyi yakapinda mudare ravo ndokubata Gwezhira nemhosva yekutora mudzimai wemunhu ndokuzomuripisa mombe shanu.

Pamombe shanu idzi, imwe chete ichaendeswa kwamambo kuchiti dzimwe ina dzicharipa Wellington.

“Vanhu ava ndakavatonga ndichida kupa dzidziso kune vamwe varume, kuti mudzimai wemunhu haatorwe. Ndakamuripisa mombe shanu, imwe inoenda kunatateguru wedu, dzimwe ina dzoenda kumurume wekutorerwa mudzimai,” vanodaro Mambo Bepura.

Wellington paakataurwa naye svondo rapera ari kubasa kwake kwaMudhindo, akati akawanikidza mudzimai wake nechikomba husiku.

“Zvakaitika hongu. Asi zvinorwadza kuti tigadzirise nyaya iyi mumapepa nekuti mukadzi uyu ndine vana naye, ndaamai vevana. Mangwana zvinonditukisa nevana vachiti makadii kutaurirana pane kuburitsana mumapepa. Chokwadi zvakaitika asi siyanai nenyaya iyi,” anodaro muridzi wemukadzi.

“Murume anonzi Gwezhira ndiye wandakabata nemukadzi wangu. Bhutsu dzake nebhachi ndakazvitora apo aiva mumba mangu,” anoenderera mberi achidaro Wellington. Anoti Gwezhira akabatwa nemhosva yekudanana nemudzimai wake ndokuripiswa.

“Akatongwa akakonwa nemhosva. Imi munei nazvo kana mombe dzicharipwa? Kune nyaya dzakanaka dzekuZimpapers (kambani huruyadzo pakudhinda mapepanhau anosanangisira Kwayedza), dzema‘field days emagarden’, kwete idzi. Ndinopihwa chii nenewspaper? Siyanai nenyaya iyi,” anodaro Welllington.

Nyasha akataurawo achiti: “Handina kumbobatwa nechikomba. Gwezhira akauya kumba kwedu husiku achida kugadzirisa nyaya yekurohwa kwandainge ndaitwa nemurume wangu. Ehe, hwaiva husiku apo Wellington akasiya andirova ndokuenda achibva azodzoka achiwana sahwira wake uyu arimo mumba.

“Murume uyu izano rekuda kundiramba bedzi nekuti uyu ishamwari yake yepamoyo. Zvino mufunge ari kutamba, ini handirambwe zvekumhanya. Ndine muchato weChapter 5:1 unotogurwa kuHigh Court. Ari kuita zvemagirlfriends haachandida, zvekwamambo kwaakaenda ndezvake.”

Gwezhira anoramba nyaya yekuti akawanikidzwa aine mudzimai wasahwira wake.

“Nyaya iyi manyepo. Uyu ishamwari yangu kwemakore 13 kubva kuDande, kuMushumbi Pools uko taidzidzisa tose asati aenda kunoshandira kuTsetse Control. Tinogara tichibatsirana mumatambudziko akasiyana semhuri asi handizive kuti apa akafunga chii,” anodaro Gwezhira.

Anoti nemusi uyu akaridzirwa nhare naNyasha nenguva dza10 husiku achimuti aida kuti auye vazogadzirisa nyaya yekurohwa kwaainge aitwa nemurume wake.

“Ini ndakaenda ndokunopinda mumba ndikawana shamwari yangu isimo. Mushure mechinguva Wellington akazouya aine mumwe murume ndokupinda mumba achibva ati andibata nemukadzi wake, ndiri chikomba. Ini ndakafunga kuti aitamba apo aiva nemumwe murume anonzi Kandororo, ndokubva vandibvisa bhutsu nebhachi nechisimba vachiti umboo hwekudare,” anodaro Gwezhira.

Mudzidzisi uyu haana kubuda pachena kuti akarohwa here naWellington nemurume waaiva naye sezvo akangoti vaida zvemhirizhonga naye.

Anoti vaviri ava vakaroorana mugore ra2003 apo Nyasha aiva mwana wechikoro zvakaita kuti Wellington azosiya zvehudzidzisi achitya kuburitswa basa nekusungiswa.

“Mukadzi uyu akambotiza muna 2007 akaenda kuSouth Africa apo Wellington akambosara achitorana nemumwe mukadzi uyo akaita naye mwana. Vakazosiyana Nyasha uyu adzoka vakazosvikochata apo ini ndaiva muperekedzi nemurongi wemuchato wavo,” anodaro. Zvisinei, Gwezhira akabvuma kuti akabatwa nemhosva yekudanana nemukadzi wemuridzi kudare raMambo Bepura asi haana kuzoda kutaura zvakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey