Mombe dzinopa murimi mari

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Mombe dzinopa murimi mari

Kwayedza

Ivan Craig —
NDINORANGARIRA mugore 2013 apo mutungamiri wenyika President Robert Mugabe vakakokwa semuyenzi anoremekedzwa pamabiko epaGMB Murehwa, vakataura mashoko anoti kuti unzi musha, unofanirwa kuita mombe. Vakaenderera mberi vachiti mombe ibhanga remurimiri, anogona kutengesa mombe paadira mari.

Izvi zvakandipawo shungu dzekutanga kupfuya mombe.

Muchinyorwa chino, ndinoda kuti tibatsirane kuchengetedza mombe kuti dzisarase hunaku (grade) hwadzo tichishandisa zvishoma zvatinowana pakudzichengeta. Ndinofunga munowirirana neni kuti kubva pamwedzi waChikunguru (July) zvichinobata mwedzi waMbudzi (November) gore roga-roga mombe dzinodzikira zvekuti makoronyera vanomhanya vachinodzitenga kumaruwa nemutengo unosiya murimi aine shungu dzekurasikirwa neupfumi hwake.

Mombe chipfuyo chinokosha zvikuru mubhizinisi rekurima, dzinopa murimi mari apo anenge ari pakati pekugadzirira mwaka unotevera, mari inofanira kuonekwa ichingopinda muhomwe yemurimi panguva ipi zvayo yegore. Saka murimi kana asina madiridziro, ndipo panoshanda mombe kuti dzimupe mari.

Ndinofunga mose muZimbabwe munowirirana neni kuti President Mugabe vanogara vakaudza nyika yose nezve nyaya yekuvandudza zviwanikwa nezvirimwa kuitira kuti tiwedzere hukoshi hwezvinhu zvedu zvichizotipa mari inokodzera pakuzvitengesa. Makambozvifungawo here kuwedzera kukosha kwemombe kuburikidza nekupamhidzira kukosha kwehuswa nemashanga echibage, muchishandisa munyu nemolasses muchizopa mombe mvura yekunwa yakawanda?

Pakukohwa chibage, varimi torai mashanga moachengeta pakakwirira, pane mumvuri, pasingasviki mvura kana zuva uyezve paasingadyiwe nezvipfuyo zvichitambisa. Gore rino Mwari vakatigonera takawana mvura yakawandisa izvo zvakatisiya tiine huswa hwemafuro hwakakurisa. Saka ngatitorei mukana uno kumweta huswa hwatinokwanisa tohuchengetedza sezvatinongoita mashanga. Tinogona kugadzira madhiramu mairi kana matatu atinoisa muchikochikari ekuzonotoresa mvura, nekuti hazvikurudzirwe kuti mombe dzifambe rwendo rwakareba dzichinotsvaga mvura yekunwa.

Huswa hwatamweta hunogona kumboshandiswa mumatanga ehuku, mozobvisa pamwe nematoto acho mochengetedza zvakanaka. Tozoti muna Chikunguru, tinotora huswa nemashanga zviya tozvitematema nemabhemba kana kuisa muchigayo chisina sefa zvogaika. Torai twumunyu twemagodo mosanganisa nemashanga aya pamwe nehuswa mozosanganisa nemolasses musati mapa mombe nemvura yekunwa yakawanda uyezve yakachena.

Kana mari ichibvumira, tengai mamineral blocks pamwe nematombo emunyu. Mombe dzinoda kudhozwa panguva inokurudzirwa uye nemazvo. Mombe dzinoda kugara pakanaka, pakaoma uyezve pasina nhunzi.

Mombe hadzidi kumhanyiswa dzichienda kumafuro kana kurohwa. Dehwe remombe rine mari yakanaka kana risina kuchekwa-chekwa nekudaro richengetedzei zvakanaka.

Varimi ngatisarasikirwe neupfumi hwedu nekutsvaga mari nedemo, zviri nani kunonoka kuita zvimwe takamirira kuti mombe dziibve. Musafe makapa mukana kumbavha dzemombe, mukana wekukubirai zviri pamutemo, nekuti kana masvika pachidanho chekutengesa mombe yenyu nemadhora anoita makumi matatu, hapana kuba kunodarika apa. Imi ndimi varidzi vemombe saka munofanira kudzichengetedza kuitira kuti pakutengesa munotengesa nemari yamunenge matara uye yamunoda.

Share This:

Sponsored Links