Mombe yokurongerwa kama wakaringa nzira!

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

KWEDU anonzi mazorora mudenga. Asi chokwadi chaicho ndechokuti dzinenge dziri nungo dzavanhu vakajaira kudya zvokupihwa, kudya zvavasingazivi kuti zvakashandwa sei. Usimbe chaihwo!

Vanhu vanochema mabasa, uyewo zviri pachena kuti ruzhinji rwavanhu vakasiya mabasa rwave kuzvishandira, asi ndipo paunoona vanhu vanotsvaga mbiri yechitsiga vachikotsva vanhu kuti vasaende kumabasa, uyewo vana vezvikoro vasaende kuchikoro, vaite yavanoti “shutdown Zimbabwe” kana kuti “stay-away”.

WhatsApp kana Facebook zvave kungopa vanhu zvivindi zvokuti ivo vave kuzviita mitemo pachavo, kutopinda bumbiro romutemo racho.

Musazoshamiswa rimwe zuva kuti Zimbabwe yamuri kuda kuita “shutdown”, Jehovha akaisika achakubvunzai, sokubvunza kwaakaita Jobho muchitsauko 38 ne39 chebhuku raJobho vachiti, “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. Ndianiko akatara miganhu yacho? Ndianiko akaiyera nerwodzi? Ko, nheyo dzayo . . . Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisa kwangu here?” Ngatidzokei kunyaya yemureza wenyika uri kushandiswa naEvan Mawarire (#ThisFlag), yatakatanga svondo rapfuura pamberi, achikurudzira kuti vanhu vaite mhirizhonga munyika.

Pakunyora, zvainzi Mawarire akange azvipereka mumawoko emapurisa, asi akange ave namazuva akawanda achikurudzira vanhu paWhatsApp neFacebook kuti vaite “shutdown Zimbabwe”. Mubvunzo wandakabvunza wokuti mureza uyu anoziva kuti wakauya sei hausi nyore kupindura. Nokuti dai Mawarire aizviziva chaizvo-izvo, haaifunga kuti rusununguko rwaari kutsvaga rwunongouya nokupaikira mureza muhuro, wopaumba mashoko achitsikiswa, wozozviisa paFacebook kana WhatsApp.

Mawarire ngaaudzwe kuti variko vakafa kuti nyika ino isave pasi pemureza weUnion Jack, asi kuti ive nemureza wainozvisarudzira, uchimirira zviri munyika. Hongu ngaadade nawo, asi ngaasadada nemureza wenyika ari zino irema rinosekerera newarisingadi.

Tinonzwawo zvakare kuti anonzi Pastor Evan Mawarire wesvondo yeBaptist. Ndakamunzwa achipaumba, ndikazvibvunza kuti mufundisi ava ndizvo zvavanoita here kuchechi kwavo, kana vachiparidza vhangeri raJesu?

Ndakabvunzawo kuti kana mufundisi arasika gwara zvakadai, muchitendero make anenge achimo here, kunyanya paanenge achikurudzira kubvisa Hurumende nechisimba? Ndikabvunzawo kuti sezvo ari mufundisi, zvese zvaanoita zvinofanirwa kutsigirwa neBhaibheri, saka ndepapi muBhaibheri panotsigira maitiro aMawarire?

Chimwewo ndechokuti mumakereke macho muri kubudawo zvakawanda. Pamwe vafundisi varohwa nokuti mupiro nechegumi zvave zvishoma mazuva ano. Chavasingazivi ndechokuti kufamba kwamashoko kuri nyore zvinhu zvinopawo hurumende dzokumadokero mukana wokuti kana mumachechi, vari kutii? Vanoterera zvinoiswa paYouTube? Vanoterera mharidzo dziri kuiswa paInternet (live streaming). Chimwe chikuru chavanotevera chiprofita chiri maringe nenyika.

Havana kuda zvechitendero nhasi uno. Kubva pavakauya, vakada kuziva nezvamasvikiro akaita saMbuya Nehanda. Foreign policy yavo inoumbwa nechitendero chenyu.

Asi, kuita kwaanaMawarire hakuna kusiyana nekwemufundisi wesvondo yechiKatorike, Bishop Pius Ncube. Zvakange zvamugara zvokubvisa Hurumende nechisimba zvokuti akasvika pakuti akange asingatyi kuti zvinokonzera kudeuka kweropa ravanhu. Aitoda kutungamira vanhu vanoratidzira kuenda kuState House.

Kupindana kwamazuva. VanaPius Ncube vakasiirawo vanaMawarire. Ivava vachasiirawo vavo nokuti nyika dzokumadokero hadzizorori kusvika varidza mhururu kuti zvavaida muZimbabwe zvazoitika!

Ndosaka tichiti mapato anopikisa vanofunga kuti inyaya yeZanu-PF chete vachakarara nezamu mukanwa. Vachazoziva kwavari kuenda vanzwisisa kuti pamusana pei nyika yeUnited States of America iri kuvaka mabhesi endege dzamauto muBotswana. America iNATO, saka kana ivo vavaka, zvoreva kuti kana Europe irimowo.

Nyika yeZimbabwe yakapfuma, ngatishandei nesimba. Pachedu kana tazvida huori hwatekeshera tinokwanisa kuhupedza pasina nguva, nyika yobudirira. Nokuti zvinonzi, mombe yokurongerwa, kama wakaringa nzira!

Share This:

Sponsored Links