MoneyMaker yopinda mumaguta

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
MoneyMaker yopinda mumaguta

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI nevamwe veruzhinji vemumaguta nemadhorodha vokurudzirwa kutora mukana wekushandisa michina yeMoneyMaker Irrigation Pump mukudhonza mvura yekushandisa mumabasa akasiyana kubva mumigodhi yavo. Managing director wekambani inogadzira michina iyi yeBlagefields, VaBrian Vere, vanoti michina iyi inobatsira mukurerutsa mutoro webasa, zvikuru kumadzimai nevanasikana.

“Mumaguta mazhinji tinoona mvura ichigaroenda nekudaro pombi dzeMoneyMaker Hip Pump dzakakosha zvikuru kune vane migodhi nekuti vanokwanisa kudhonza mvura yavo zviri nyore. Madzimai haachasweri vachirarira mumitsetse yemvura nekuti basa rose vanoriitirwa nepombi idzi pasina kushandisa simba rakawanda. Tinoda kuderedza njodzi dziye dzekuti tinonzwa kuti vana vawira mumugodhi nekuti unenge wasiiwa wakashama kana kuti vanaamai vachiedza kuchera mvura nekuti pombi dzedu dzinoita zvose,” vanodaro.

Vanoti kutanga nomusi wa22 kusvika 29 Nyamavhuvhu, vashandi vekambani yavo vanenge vachitaridza veruzhinji mashandisirwo emichina yechitsoka-tsoka iyi kushoo yeHarare Agricultural show.

Zvakadai, vanoti varimi vari mumaguta nekumaruwa vanogona kudiridzira zvirimwa zvavo zvakadai sefodya, chibage, nzungu, kukanya zvidhinha pasina kushandisa simba rakawanda kudhonza mvura nemichina iyi.

Share This:

Sponsored Links