Morocco: Kumagumo kune nyaya

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MUKURU mukuru, hanga haigari pfunde! Hazvina kusiyana nokuti hapana zuva rinobuda, rimwe risati ranyura. Vamwe tinotadza kuzvigamuchira, nokuti tinenge tichida chokwadi chinofambirana namafungiro edu. Kupera kwomwedzi waNdira, kwairevawo kuti sangano reAfrican Union riite zvarinoita makore ose risati rapinda mumwedzi waKukadzi, vatungamiri venyika 54 vachiungana muguta guru reEthiopia reAddis Ababa. Ndizvo zvavakaita musi wa30 na31 Ndira. Misangano yavatungamiri veAfrican Union inofamba nedingindira gore rimwe nerimwe, asiwo, musangano womuna Ndira musangano unenge wakagukuchira.

Vatungamiri vanenge vachisarudza sachigaro anobata chigaro kwegore rese kusvika muna Ndira wegore rinotevera. Saka mumwe achibuda, mumwe anenge achipindawo. Takazviona zvichiitika mutungamiri wenyika President Mugabe pavakave sachigaro weAfrican Union muna 2015.

Vaongorori vanenge vachitarisawo kuti sachigaro ari kubva akabudirira zvakadii kususukidza dingindira ravange vachifamba naro.

Ndira 2017 zvakave zvimwe chete. Zuva parakadokera, President Idriss Deby Itno vekuChad, vachisiya husachigaro, kune rimwe divi, rakange richibudirawo President Alpha Conde vokuGuinea, nemutevedzeri wavo President Museveni vokuUganda.

Vana Presidet Conde vakasarudzwa sangano reAU gore rino richifamba nedingindira rakanangana nokusimudzirwa kwevechidiki rinoti “Harnessing the Demographic Dividend through Investments in Youth.”

Ramangwana reAfrica nematunhu ese pasi rese riri muvana vechidiki vanenge vapihwa mikana yokuti vazokwanisa kutungamira. Saka tinokorokotedza President Conde nemutevedzeri wavo, tichivashuvira kundiso kunyanya panguva ino pasi rese risina kugadzikana, zvinove zvinhu zvinogona kukanganisa zvinangwa zvebudiriro nokubatana muAfrica, kunyanya kune vechidiki.

Kunyange zvazvo President Deby vakabva pachigaro, asi 2016 na2017, nyika yeChad iri kuti iri kudya nazvo muAfrica, nokuti hapana akaziva kuti sachigaro mutsva weAfrican Union Commission achange ari chizvarwa cheChad zvakare.

Musi woMuvhuro, vaimbove gurukota rezvokunze kweChad, VaMoussa Faki Mahamat, vakasarudzwa kuve sachigaro weAfrican Union Commission, vachitsiva Dr Nkosazana Dlamini-Zuma vokuSouth Africa, avo vakasiya chigaro mushure mamakore mana chete.

VaFaki Mahamat vakasarudzwa pamakwikwi aive nevamwe vanhu vedzimwe nyika vaidawo chigaro ichi. Saka kuChad ndezvavo, vari kudya namambo. Asi Mukwende anoda kutenda Dr Dlamini-Zuma nebasa ravakabata. Ndiye mudzimai wokutanga kuve sachigaro cheAU Commission. Havana kuda kukwikwidza kechipiri, asi makore mana avakabata iwaya, takaona sangano reAfrican Union richivandudzika, kunyanya panyaya dzekodzero dzavanhukadzi.

Dr Dlamini-Zuma igamba rinoziva kuti kuti vasvike pavakasvika apa, kune vakavazarurira nzira. Pavakaita sachigaro, Africa ndipo payakabuda nedingindira rebudiriro reAgenda 2063, chinove chishuwo nechinangwa chokuti mumakore makumi mashanu ari kutevera, Africa inenge yabuda mubira-vira rematambudziko, yoshandisa zviwanikwa zvaiinazvo, kusanganisira vanhu vayo kuti ibudirire. Zvasarira vari kutevera, kuona kuti zvinangwa zveAgenda 2063 zvazadziswa.

Mumashoko avo, Dr Dlamini-Zuma vakatenda vese vakavatsigira, vakarangarirawo sangano remadzimai rePan-African Women’s Organisation, rakaumbwa mugore ra1962 kuTanzania, gore rimwe chete sangano reOrganisation of African Unity (African Union), risati ravambwa.

Musangano wePAWO wakaitwa muna 2012 mushure mokunge Dr Dlamini-Zuma vaitwa sachigaro, ndiwo wemimwe misangano mikuru yavakaenda.

Kutenda uku kwaiva kucherechedza kuti variko vakaita basa, kuti ivo vazosvika pavakasvika, nekwavachasvika, uyewo kuti munhukadzi muAfrica asatarisirwa pasi, asi kuti zvizivikanwe kuti kana madzimai anokwanisawo kuita mabasa ese anoitwa nevanhurume, kusanganisira kutungamirira.

Vakatendawo gamba rakatisiya gore rapfuura, Cde Fide Castro Ruz, mutungamiri weCuba nokuti vakabatsira zvikuru kuti dzimwe nyika dzeAfrica dzakafanana neZimbabwe, South Africa, Angola, Namibia kuti dziwane kuzvitonga kuzere.

Izvi ndizvo zvinonzi, ziva kwawakabva nokuti mudzimu weshiri uri mudendere. Vaikandawo chibwe kwavari kubva nokuti zvinonzi hauzivi, pamwe kwaunoenda husiku.

Tati dingindira raiti “Harnessing the Demographic Dividend through Investments in Youth,” asi takatsvaga nyaya dzehurukuro dziri maererano nedingindira iri, tikadzishaya. Pamwe maziso aMukwende ave nerutara, nokuti nyaya yatakaona yave kumhanywa nayo ndeyokuti Morocco, nyika yakapamba nyika yeWestern Sahara, kana kuti Saharawi Democratic People’s Republic – yakagamuchirwa zvakare kuti ive nhengo yeAfrican Union, mushure mokunge yamboburitswa makore 33 apfuura.

Western Sahara yasununguka here? Kwete! Saka chii chakaita kuti Morocco igamuchirwe, kunyange zvazvo Zimbabwe, South Africa nedzimwewo nyika dzakange dzichiramba?

Muvhoti makapinda gonye rinonzi mari here kuti Africa isaita muonera pamwe? Vechidiki vanoti pakashanda bhegi rakatenga nyika dzakawanda kuti dzitambire Morocco.

Kutaura kwavamwe, ivo veMorocco ngavazvirambe!

Ko zvokuti Morocco yave kuuya kuzogadzirisa nyaya dzemari dzinonetsa sangano reAU, sezvo nyika yeLibya paina vaMuammar Gaddafi iri iyo yaimbomira-mira ndezvechokwadi here? VaGaddafi vakauraiwa namagandanga aibatsirwa nesangano reNato kuti Morocco izobatsira Africa, iyo ichakapamba nyika yeWestern Sahara here?

Vaimbi vanoti, “Kumagumo kune nyaya.”

Rina manyanga hariputirwi mumushunje. Rinotukunyudza chete. Nokufamba kwenguva, tichaziva kuti Morocco iri kudzoka muAU kususukidza zvido zveAfrica here, kana zvido zvayo, kana zvavamwe.

Share This:

Sponsored Links