Uncategorized

Mota ‘inotaura’ yakazochipiswa . . . . ‘Yakanyaradzwa’ nembavha . . . . Yanzwa nekubiwa mapatsi

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Mota ‘inotaura’ yakazochipiswa . . . . ‘Yakanyaradzwa’ nembavha . . . . Yanzwa nekubiwa mapatsi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Motokari yerudzi rweMitsubishi Pajero – iyo yava nemwedzi yakasiiwa mumugwagwa mumusha weHopley, muHarare, uye yakambobuda munhau ichinzi iri kutaura nekudzemura mbama vanhu vanenge vaibata – yazochepeswa nembavha zvichitevera kubiwa kwairi kuitwa mapatsi.

Kwayedza payakashanyira musha uyu nemusi weChitatu chadarika, yakasvikowana motokari iyi yakagara pasi sezvo isisina mamwe mavhiri matatu, bhatiri, computer box nezvimwe zvinhu zvaive mukati. Mahwindo ose akangovhurwa. Vamwe vanhu vanogara pedyo nepane motokari iyi vanoti vashandi vekanzuru yeHarare vakangodhonza motokari iyi kuti ibve pakati pemugwagwa payaive mushure mekunge yaroverwa nedzimwe motokari katatu.

“Vashandi vekanzuru yeHarare ndivo vakauya svondo rino vachiibvisa pakati pemugwagwa nekuti yange yanzwa nekuroverwa nedzimwe mota. Yakatobiwa mavhiri, bhatiri nezvimwe asi injini ichirimo zvayo,” vanodaro VaBlessing Gutu. VaCloud John vanotiwo havana kumbobvira vanzwa motokari iyi ichitaura.

“Isu hatina kunzwa kutaura kwayo kana kuona kurohwa kwevanhu. Izvi zvinogona kunge zvaiitika kuvanhu vainge vachida kuiba. Asi imwe pfungwa yangu ndeyekuti muridzi wemotokari ndiye anogona kudaro akasiya computer box akaiseta kuti izotaura painenge yangobatwa nevanhu, kwete zvemishonga. Saka vanhu nekusaziva, vanobva vafunga kuti mishonga.

Pajero mushure mekubiwa mapatsi.

“Iko zvino computer box racho rakatobiwa, pamwe ndiko kusaka vanhu vave kuti haichataura ndokusaka yava kungobiwa mapatsi kudai,” vanodaro. Asi mukushi wemashoko kusangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe, VaTatenda Chinoda, vanoti imhosva huru kuti mutyairi asiye motokari yake yakamira mumugwagwa kwenguva refu nekuti zvinokonzeresa tsaona.

“Pamutemo, kana motokari yaita dambudziko iri mumugwagwa, muridzi wayo anoisa red triangles kumberi nekumashure seyambiro kune vamwe vatyairi. Asi izvi hazvifaniri kugara zvakadaro kwenguva refu nekuti mota inofanira kubviswa mumugwagwa nekukasika kuitira kuti isakonzeresa tsaona.

“Kune makambani akawanda anoita nezvekudhonza motokari achizoreva mari dzawo nekufamba kwenguva asi basa ratoitwa. Vatyairi ngativei nehanya neupenyu hwevamwe nekuti kusiya mota mumugwagwa kwemwedzi wose kushaya hanya nemudziyo wako uye upenyu hwevamwe,” vanodaro.

VaChinoda vanoti kazhinji kana motokari ikasiiwa kwenguva refu iri mumugwagwa, vanoona nezvemigwagwa mumadhorobha nemumaguta semakanzuru kana Department of Roads vanonodhonza motokari iyoyo voichengeta ,asi muridzi wayo paanozonoitora, anenge akamirirwa nechikwereti chake chinobvira pakudhonzwa kwayo nekuiichengetedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey