Uncategorized

Mota Pajero iri kutaura

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Mota Pajero iri kutaura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
YAKAVE batai-batai nemusi weMuvhuro svondo rino mumusha weHopley, muHarare, apo veruzhinji vakapitipidzana kunoona motokari yerudzi rweMitsubishi Pajero iyo inonzi yaitaura pamwe nekudzemura mbama kuvanhu vose vaiedza kuibata.

Kwayedza payakashanyira musha uyu, yakawana motokari iyi ichinzi yainge yadhumirwa neimwewo mota sezvo imire pakati pemugwagwa.

Mumwe murume akakurukurwa naye nezvemashura aya anoti akapotsa aita tsaona mushure nekunge imwe motokari yaiva mberi kwake yabopa mabhureki echimbi-chimbi apo yainge yoda kunorovera pamotokari iri pakati pemugwagwa iyi.

“Svondo rino ratova rechipiri motokari iyi iri ipapa. Svondo rapera, pandaibva kuChitungwiza ndakapotsa ndafa apo mota yaive pamberi kwangu yakabopa mabhureki ichiitira kuti isarovera pamotokari iyi. Motokari yaive kumashure kwangu yakapotsawo yarovera pane yangu,” anodaro Abraham Shoko.

Aubrey Kwenda (22), uyo anova mugari wemuHopely, anoti motokari iyi inogona kudaro iine chivanhu kana kuti yakabiwa.

“Ini ndakangonzwa kuti pane Pajero iri kutaura imire mumugwagwa. Takaiona kubvira nomusi weMugovera wadarika yakangomira ipapa pakati pemugwagwa.

“Vanhu vari kutya kuenda pedyo nayo nekuti zviri kunzi unongoyerekana warohwa mambama. Ndine fungidziro yekuti motokari iyi inogona kudaro yakabiwa, saka nekuda kwechivanhu chiri kuitika pairi, munhu akange aiba akabva aisiya, pamwe akatorohwa,” anodaro.

Laceway Swiza (30), wekuWaterfalls pedyo neHopely, anoti akanzwawo ne- zvemashiripiti ekuti motokari iyi iri kutaura nekukwapaidza kurova vanhu.

“Ini ndiri munhu anonamata saka handibvumi zvinhu zvose-zvose, ndakanzwa vanhu vachitaura kuti ndozviri kuitika asi handina kuzviona nemeso angu,” anodaro.

Tinashe Panganai (27), wekuWaterfalls kwakare, anoti motokari iyi inogona kudaro yakabiwa nekuti yava nemazuva akawanda imire pakati pemugwagwa.

“Kudai iine muridzi, ingadai yakadhonzwa ikabviswa mumugwagwa nekuti anenge achityira kuti inobiwa kana kuroverwa nedzimwe mota. Hakuna munhu chaiye akakwana anosiya motokari yake iri pakati pemugwagwa seizvi.

“Inogona kunge yakabiwa asi nenyaya dzemishonga, ndosaka iri kutaura. Munhu akanga aiba pamwe akanzwa izwi achibva ajamba ndokuisiya iri pakati pemugwagwa,” anodaro.

Asi VaPatrick Saunyama (43), vanove mugari wemuHopley, vanopokana nepfungwa dzekuti pamotokari iyi pari kuitika mashiripiti.

“Ini ndakaona motokari iyi ichiponja vhiri rekumberi nomusi weMugovera wadarika ndokubva mumwe murume mudhafu adzika ndokusiya akaisa mareflectors pamwe nekuitsigira netwumatombo achibva aenda. Nezuro manheru (Svondo) ndipo payakaroverwa neimwe mota diki nechekumashure mutyairi wacho akakuvara zvisingaite akatoendeswa kuchipatara neamburenzi,” vanodaro VaSaunyama.

Vakazozvipira kuenda pedyo nemotokari iyi zvisinei nekuti vakatya kuibata.

“Regai ndiendepo munzwe kuti inotaura here. Iwe mota taura tinzwe,” vanodaro vachidaidzira vamire pedyo nehwindo rakashama remota iyi.

Panguva yavaidaidzira kudaro, munyori uno nemutori wemufananidzo, Tariro Kamangira, vakange vakavhura nzeve zvakasimba asi hapana kana izwi rakanzwikwa richibva pamotokari iyi sekutaura kuri kuita veruzhinji.

Nyarai Jamu (39) anoti munhu akaburuka mumota iyi akasiya aisa mareflectors ayo akazotsikwa nedzimwe motokari.

Anopokana nepfungwa yekuti pane mashiripiti ari kuitika pamotokari iyi sezvo chitoro chake chiri pedyo nepairi.

Vamwewo ndivo vari kuti pane mukomana akabata motokari iyi achibva aridzwa mbama nezvinhu zvaasina kuona kusvikira afenda asi Kwayedza yakakundikana kuronda mukomana uyu kuti itaure naye.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti nyaya dzerudzi urwu dzinogona kuitika kana vanhu vachinge vakagadzira midziyo yavo kuti isabiwe.

“Kune mishonga yekuronda midziyo kana ichinge yabiwa saka zvinoitika kuti mbavha inogona kusangana nemashiripiti ayo asingakwanisi kuonekwa neveruzhinji vanenge vasina kupara mhaka yacho. Kana ari munhu anenge akaba motokari iyoyo anenge ave kunopotera kuvaridzi kuti vamuroonore,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links