Uncategorized

MOTA YAKANGOSIIWA

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
MOTA YAKANGOSIIWA

Kwayedza

MOTA yerudzi rweMistibushi iri paMadamombe Business Centre, kwaSeke, iyi yave nemasvondo maviri yakangomiswapo. Vagari veko havasi kunzwisisa nezve”bango” remota iyi asi mapurisa anoti muridzi wayo akaita tsaona uye ari muchipatara. Vamwe vange vofungira kuti yakabiwa kana kuti ine chekuita nemishonga. Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti mota iyi ichiripo nanhasi. “Haisi yemashiripiti sezvamakanzwa, ine muridzi wayo anogara kuArea D, kuWestgate. Yakapera mafuta muridzi wayo ndokukwira imwe mota achida kuenda kwaMakoni (kuChitungwiza) kunotenga mafuta achibva asangana netsaona saka ari kuchipatara.” — Muchaneta Chimuka.

 

Share This:

Sponsored Links