Moto wesango wodzikira: EMA

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Moto wesango wodzikira: EMA SANGANO reEMA rorumbidza kudzikira kwemoto wesango munyika mwaka uno zvichitevera dzidziso iri kupihwa kuruzhinji.

Kwayedza

SANGANO reEMA rorumbidza kudzikira kwemoto wesango munyika mwaka uno zvichitevera dzidziso iri kupihwa kuruzhinji.

SANGANO reEMA rorumbidza kudzikira kwemoto wesango munyika mwaka uno zvichitevera dzidziso iri kupihwa kuruzhinji.

SANGANO rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reEnvironment Management Agency (EMA) rakarumbidza veruzhinji nekutevedzera dzidziso yariri kupa pamusoro pemoto wesango izvo zvaita kuti pave nekudzikira kwekuparadzwa kwemasango nemoto nezvikamu zvisere kubva muzana mwaka uno kana zvienzaniswa negore rapera panguva imwe chete .

Mutauriri wesangano iri, VaSteady Kangata, vanoti mwaka unocherechedza kupiswa kwemasango wakatanga kare apo paine kudzikira kwedambudziko rekutsva kwemasango. “Kwemakore maviri akatevedzana, tiri kuona kudzikira kwekutsva kwemoto wesango zvichitevera dzidziso yakasimba yatiri kuparidzira kuruzhinji ivowo vanhu vachiteerera. Dambudziko rekutsva kwemasango iri rakadzikira nezvichikamu zvisere kubva muzana,” vakadaro VaKangata.

Vanoti gore rakapera kusvika panguva ino, kwakatsva masango akatandavara mahekita 696 290 asi mwaka uno kwatsva akatandavara mahekita 640 161.

“Kutenda kukuru kune masangano atinoshanda  nawo apo tiri kushingaira kupa dzidziso kuruzhinji yekuti vasapise masango nekudaro gwara iri ticharamba tinaro kusvikira tisisina dambudziko rekutsva kwemasango munyika,” vakadaro VaKangata.

Vanoti mwaka uno kusvika parizvino kwamhan’arwa nyaya dzekutsva kwemoto yesango dzinokwana 1 160 kubva kumatunhu akasiyana enyika.

Kunze kwekuparadza miti nehuswa, vanodaro VaKangata, moto wesango une njodzi zvakare kuvanhu nemhuka.

Zvakadaro, vakataridza kutsutsumwa nekatsika kanoitwa nemamwe makorokoza ayo anoshandisa mishonga isingabvumidzwe pakuwonga goridhe yakaita semercury pedyo nenzizi sezvo ichiuraya hove nezvimwe zvipuka zvemumvura.

“Mishonga yakadai iyi ikaenda mumvura inoguma yakuvadza kana isu vanhu nekuurayawo zvimwe zvipuka zvemumvura,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>