Mourinho oramba kurairidza Real Madrid

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mourinho oramba kurairidza Real Madrid

Kwayedza

MURAIRIDZI weChelsea, Jose Mourinho, anonzi oramba kudzokera kunorairidza Real Madrid, sekutaura kwaGuillem Balague.

Zvakadaro, Barcelona yakaita kuti Real ipedze mwaka isina chayakabata apo Lionel Messi akanwisa kuAtletico Madrid ndokubatsira maCatalans kuhwina mukombe weLa Liga kechishanu mumakore mapfumbamwe.

Kukunda kwakaita Barca kunoreva kuti Real yakakwanisa kuhwina mukombe wePrimera Division kamwe chete mumakore mapfumbamwe uye mwaka wayo uchapera isina chayakabata mumawoko zvichitevera kuburitswa kwayakaitwa musemi-fainari yeChampions League neJuventus, izvo zvave kupinza Carlo Ancelotti munyatwa.

Balague anoti Madrid ine mazita evarairidzi avo vavanoda kuti varairidze chikwata chavo vanosanganisira Mourinho uyo akamboirairidza kwemakore matatu kuBernabeu.

“Nyaya yavepo ndeyekuti Real yave kutsvaga mumwe murairidzi- ndizvo zvagara zvinoitika pose Real Madrid ikasahwina,” akaudza Revista de La Liga mushure mekunge Barcelona yahwina.

“Real yataura naJulen Lopetegui wekuPorto, Jurgun Klopp, Rafa Benitez uye naJose Mourinho.

“Vataura nevose avo vari vana kuti vangade here kuzorairidza chikwata chavo. Vakataura naJose Mourinho asi akati kwete kwavari.

“Pane vose vari vana, Rafa ndiye ari kunyanya kudiwa kwete vamwe vose. Mourinho ari kudiwa nevamwe, kwozoti Lopetegui anoonekwa kuti ane ramangwana rakanaka, asi vamwe vose havasi kudiwa.

“Klopp haakwane zvake pabasa iri, kozoti Zinedine Zidane akapihwa basa anenge amhanyirwa zvikuru.

“Zvaive muhurongwa hwechikwata asi Real Madrid Castilla haisi kutamba zvinonwisa mvura saka haatarisirwe kupihwa basa.”

Zvinofungidzirwa hazvo kuti Ancelotti anogona kugara mumwe mwaka kuBernabeu, asi hunge mutungamiriri wayo – Florentino Perez – akashaya mumwe murairidzi wekugadza panyanga.

Zvakadaro, Balague anofunga kuti kana izvi zvakaitika zvinogona kusafarirwa nechizvarwa chekuItaly ichi, Ancelotti.

“Nyaya huru iri pana Florentino Perez ndeyekuti haana munhu waanoda,” akadaro Balague.

“Aida chaizvo Mourinho paakamuunza kuchikwta ichi uye akada vamwe varairidzi.

“Asi parizvino hapasati pave kuzivikanwa kuti ndiani achatsiva Ancelotti saka anogona kugara ariko.

“Asi ukaudza Ancelotti kuti ucharamba uchirairidza chikwata ichi nekuti hapana mumwe angapinde panyanga zvinorevei mubasa rake mune ramangwana?” — Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links