Moyo akazviita zvakare

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Moyo akazviita zvakare Elford Moyo

Kwayedza

Elford Moyo

Elford Moyo

SHASHA yemujaho wewiricheya, Elford Moyo, akanyora nhorowondo svondo radarika kwaMutare apo akaita mutambi wekutanga kuhwina mujaho weTanganda half marathon 21 km kanokwana kashanu mumakore akasiyana. Moyo akatanga kuhwinha mujaho uyu muna 2012 uye svondo rapera akaenda kumba neUS$325.Muchinda uyu akakwikwidza mujaho wesvondo rapera akasuwa zvikuru zvichitevera kushaika kwakaita amai vake nguva yadarika.

“Zvinhu zvakandirwadza kurasikirwa naamai vangu, asi chinhu chazondifadza kuti ndahwina mujaho uyu uye pose pandange ndichimhanya vange vari mundangariro dzangu,” anodaro Moyo.

Operations manager weTanganda Tea Company, Farai Garai, anoti kambani yavo ichatsvaga dzimwe nzira dzekutunzvaidza Moyo sezvo ari kudadisa zvikuru mumujaho uyu.

“Ave nemakore achingohwina mujaho uyu, zvinofadza zvikuru. Tichaona kuti tamuitireiwo chekuyemura basa rakanaka raanobata,” anodaro Garai.

Zvakadaro, Kelvin Pangiso – uyo anomirira chikwata cheZimbabwe Prisons and Correctional Service Athletics Club –  akahwinhawo mujaho uyu svondo rapera ndokupihwa US$550 uye gore rapera ndiye akatora mukombe zvakare.

Mumujaho wevanhukadzi, Patience Murove weZPCS zvakare ndiye akahwina ndokupihwa US$550.

Muhurukuro neKwayedza, Pangiso anoti haasi kugona nekufara zvichitevera kuhwina kwaakaita zvekuti ari kutarisira kukwikwidza gore rinotevera.

“Zvinhu zvinofadza zvikuru kuramba ndichihwina, ndave kutarira mijaho mimwe mikuru iri kutevera yakafanana neVictoria Falls Marathon iriko svondo rino uye yeTanganda iyi ndichaidzokera kuzoihwina kechitatu gore rinotevera,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links