Mr Favour haasi kumira

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Anywhere ‘Mr Favour’ Mukani

Anywhere ‘Mr Favour’ Mukani

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira mumusambo wechitendero, Anywhere ‘Mr Favour’ Mukani (25), akaparura kambo katsva kanonzi Zvidhafu dhafu ako kari kunetsa zvikuru mazuva ano panhepfenyuro dzakasiyana.Mr Favour anoti ari mudenga rechinonwe zvichitevera mukurumbira wekambo aka ako akabatsirwa kuimba naGodfrey Mutami.

“Zvidhafu dhafu kambo kandiri kutarisira kuti kachakwezva vateereri vakawanda nekuti ndakawedzera zvidobi-dobi kudarika pane dzimwe nziyo dzangu dzandaimbobuditsa pane mamwe madambarefu. Kambo aka takakarova nekamusambo kekuNigeria kanofarirwa nevakati wandei,” anodaro.

Mr Favour anoti kambo aka kari pamusoro penyasha dzaMwari dzaanoitira kune veruzhinji.

“Kambo aka kanonzi Zvidhafu dhafu zvichireva nyasha dzakawandisa dzakapfachukira. Nyasha idzi ndidzo dzatinenge tichitenda kuna Mwari kuti matipa zvidhafu dhafu zvichireva kuti matipa zvikuru. Rwiyo urwu rwunokurudzira veruzhinji kuti vatende zvavanenge vawaniswa naMwari kuburikidza nekumurumbidza pamwe chete nekumunamata,” anodaro.

Anoti ari kutarisira kuburitsa vhidhiyo rekambo aka munguva pfupi iri kutevera.

Mashoko ake akatsinhirwa naMutami achiti vari pakati pekubika rimwe dambarefu rine nziyo dzine mitauro yakasiyana yemuAfrica.

“Chinangwa chedu sevaimbi kuti nziyo dzedu dziwane vanhu vakawanda vanodziteerera muZimbabwe nekunze. Zvakadaro, tiri kuda kubuditsa rimwe dambarefu kunze kwekambo aka iro rine nziyo dzemitauro yakasiyana yemuAfrica,” anodaro Mutami.

Share This:

Sponsored Links