IMBWA HAIHUKURE SADZA: Mubhanana haubereke magwavha

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Mubhanana haubereke magwavha

Kwayedza

MUZIMBABWE mave nedambudziko rekushaikwa kwechokwadi nyangwe munzvimbo dzachinofanirwa kuwanikwa. Nyangwe nevaisimbove nenyadzi, vave kungoita sevane mamhepo. Kana uri murombo muZimbabwe, unooneswa nhamo nemaporofita achikutorera mari shoma yaunotambudzikira iyoyo. Kana ukavezve mupfumi, unongodyiwa nemaporofita iwaya wakasvinura sedemba.

Vanokutorera zvauinazvo vachikuvimbisa kuti kana ukaita chakati nechakati, Mwari vanozokuropfadza zvekuti unogarika ukafamba wakasimudza muswe setsindi.

Nesuwo tichinyanya, nekuti kana tikangonzwa kuti kwakati kuri kuitika zvinogara zvakadaro, tinobva taita chipatapata nechipitipiti chinenge chehuku dziri kukushirwa.

Jesu haana kumbobvira apa vanhu mari, asi akavapa chingwa nedzidziso dzinoyambira pamusoro pemari nepfuma.
Kana vari ana Peter naJohn vakatoudzawo mumwe murume aikumbira mari kwavari kuti, “Sirivha nendarama hatina, asi chatiinacho tinokupa. Nezita raJesu simuka ufambe.”

Dai ari mazuva ano, chirema chakasanganikwa nacho naPeter naJohn ichi, chakanzi tanga watipa mari yawapemha kuti tigokuropafadza.
Iko zvino tave kunzwa kuti maporofita anoti kuvanhu vanovaterera bvisa chakati, semotokari, kuti uzowana makomborero pamberi apo. Dai ari iwo mashandiro anoita Mwari, kuti ukapa munhu zvauinazvo, unobva wazobhadharwa kana kuwana zvakawanda mushure memwedzi mishoma, dai nazvino tese tave vapfumi.

Iko kupa uchiziva kuti uchazowana zvawapa zvawanda kupa here kana kuti kutenga?
Ko ivo Mwari havana kutipa mwanakomana wavo pachena here? Ini ndinoziva Mwari vachiropafadza kana uchinge washanda, kwete wakangoti fada kugara kunge datya raneta nekusvetuka.

MuBhaibheri tinoverenga nezvaMwari ari iye mushandi wekutanga. Saka kana Mwari achishanda, ko pakati pedu vamwe vongorarama zvavo nekukama vamwe here?
Variko vanhu kunze uko vapera mari vachitenga “zvinhu” zvemaporofita anovimbisa rugare nemari.

Vamwe vanonzi vabvise mari yekuti muporofita anovatorera mafuta nemiteuro kunzvimbo dzisinganzwisisike. Vamwe vanobvisirwa nyoka nezvidhoma zvinenge zvauya nemaporofita iwaya.

Ndakanzwa vamwe vachiudzwa nemutungamiri wavo kuti, “Hamuna nekuti hamupe Mwari. Ipai kuti mugowana.”
Panenge pachinzi hamupe Mwari, mwari anenge achirehwa ndivo mufundisi! Saka unoona vaye vasina, vachikokotedza twavasara natwo twoenda.

Vanobva vamira kuti vaone maropafadzo achiuya, asi nekuti Mwari haatengwe, hapana maropafadzo anouya! Kana zvadaro, vanhu vaye vanorega kunamata nekuvenga Mwari nekuda kwekuita kwevanhu.

Ndakaona pamwe chete nekunzwa munhu akabatira padzidziso dzekutenga Mwari idzi. Aive mukomana wechidiki. Akanditi, “Kana ndichienda kuchechi ndinofanirwa kuwana zvinhu, ndinofanirwa kuropafadzwa nekuti Mwari ndizvo zvaanoitira vanhu vake. Hazvibatsire kunamata Mwari kana asingandipe zvandinoda.”

Kutyisa kwechiKristu chakadai ndekwekuti, mwari waari kunamata ndimwari wezvinhu, kwete Mwari wekudenga. Kana munhu uyu akashaya zvaari kuvimbiswa kuchechi kwake, achazoita sei? Anogona kuzopedzisira asvitsawo mufundisi kana muporofita wekuchechi kwake kumatare emhosva. Zvino kana mufundisi akaerekana apinda mudare nekuti ari kupomerwa, dambudziko riripo nderekuti anenge apinzawo zita raMwari mumadhaka.

Mwari ngaanamatwe nekuti ndiMwari, uye anoti titsvage hushe hwake kutanga, zvimwe zvese zvatinoda zvozotevera. Mubvunzo wangu ndewekuti chii chiri pamberi pakunamata kwako Mwari? Mari nezvinhu here kana kuti Mwari? Nhundurwa yakafanana nedomasi, asi haisi domasi. Kana nenyati inenge mombe, asi haisi mombe. Mubhanana haubereke magwavha! Ityai Mwari.

Share This:

Sponsored Links