Muchazviona: Zvii zvacho?

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Muchazviona: Zvii zvacho?

Kwayedza

NDINODZOKA zvakare kutsika nemagariro echivanhu, tsika nemagariro andinombotsoropodza pano pana Kuziva Mbuya Huudzwa mamwe mazuva. Vamwe vangazviramba kuti tsika dziri kuerera takatarisa, asi ichi ndicho chokwadi chakazara. Panozvarwa mwana, panoroorwa kana panofiwa, unoshaya kuti masanganiswa ari kuitwa nevanhu anorevei, uye anotisvitsa kupi.

Zvinhu hazvichaitwa nenzira chaidzo dzinoita kuti vanhu vazive kuti ndzidzo tsika dzevanhu veZimbabwe.
Vamwe mungati ndiko kufamba kwenguva, asika ngatirege kukabira tsika dzevamwe, tokanganwa dzedu kana kuita zvinobvisa chimiro.
Kwemakore akawanda zvikuru ndasangana nevanhu kana mhuri dzinorarama mukutya nokuti pane munhu kana vanhu vanenge vakavati “muchazviona!”

Vamwe vakaudzwa mashoko aya mushure mokushaya kwevabereki. Wofirwa, apa wotyisidzirwa?
Iyeyu “muchazviona” akaita kuti vanhu vaende kugata mumusha mapinda urwere kana kufiwa zvisina tsarukano, nokuti kunzi uchazviona kushurudzirwa zvakaipa. Dzimwe mhuri hadzitaudzane naiyeyu, “muchazviona.”

Asiwo, sei katsika aka kachiramba kupera muvanhu vokwedu? Sei vanhu vachida kuvhundutsirana nemazwi anoita kunge akatakura zvizhinji iro riri zuru rakapinda nyoka? Mazwi iwaya akaisa vamwe kumakuva.

Zvakanaka here kupinza mweya woruvengo nokuti munhu anoda kutyiwa kwete kuremekedzwa?
Vazhinji venyu makasungwa mbiradzakondo naiyeyu “muchazviona” akataurwa maramba kuita zvido zvehama.

Vamwe munonzi muchatitsvaga kana zvaipa, mouya muchipfugama mozoziva kuti tiri vana ani. Kuomesarana uku kunorevei? Ndicho chivanhu chacho here chokutyisidzirana?

Vamwe vavo vakasadaro, vanoramwa vanhu votoita sevachavanamata kunge Mwari.
Vanoripiswa mari, huku, mbudzi kana mombe chaiyo zvichibva nokuti zvavanenge vachinzi vatadza zvakakura sei? Ipapo panenge pachinzi hatidi kurasa chivanhu chedu!

Mai vangu vakati ndiko kunonzi kudya zvavanhu sevaumbi vehari nokuti hari kana yapunzika unotodzoka wotsvaga imwe. Hainge poto dzanhasi uno dzokuti unonamisa wombobikira kwemazuva.

Vakatiwo kana munhu akuti “uchazviona” akuisa muhomwe, ave kuita zvaanoda newe. Iwe pamusana pokutya, unenge wave kupota uchimupa twunhu kuti adzore moyo.

Asiwo rimwe gore imwe mhuri yakanzarwo mushure mokushaya kwababa vavo. Vakanzi nedzimwe hama, “Zvamarambira nezvinhu zvehama yedu muchazviona!”

Ivo vakapindurawo vakati, “Zvatichaona, hazvitityise nokuti tinoziva kuti kufa kwababa vedu handi kupera kweupenyu. Mwari mupenyu, uye anoropafadza.

“Saka zvatichaona takazvitarisira nokuti tinoda makomborero akaimbwa naFungisai kuti, gore richitanga, richipera, tinoda makomborero. Saka musatya henyu nezvatichaona nokuti, zvakatinakira.”

Zvakavakandisa mapfumo pasi nokuti vaifunga kuti vanobva varipwa ipapo, ipapo. Kudya zvavanhu savaumbi vehari! Ndikowo zvakare kugona munhu anogara akapfunda rufu pasi porurimi rwake.

Munhu ngaadzidze kuremekedzwa kwete kutyiwa, uyewo munhu ngaadzidze kuti kutyisidzira vanhu nokuti, “uchazviona” hazvivake musha.

Share This:

Sponsored Links