Muchengeri ochengerwa pafoni

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Muchengeri ochengerwa pafoni

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MUKADZI wekumhan’arira murume wake kudare achiti anoda kuti amubhadhare mari yefoni yaakamutorera ndokuzoiuraya apo aida kuongorora kana asina zvikomba, akashaya pekupinda zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake nekuda kwekushaikwa kweumboo.Agnes Muchengeri akaendesa Pirai Hamadziripi kuHarare Civil Court achida kuti amubhadhare $20 yefoni yake.
“Wakanditorera foni uchitsvaga kuti ndinodanana nani nokuti mazuva ano rudo pakati pako neni hapachina. Hauna kundidzosera foni yangu, wakaipa vahosi,” akadaro Agness.

Akati murume wake akazomudzosera foni yakange isingachasevenzi pamwe nekutengeseka sezvo yaisatarisika.
“Iwe wakandidzosera foni yakafa, isingagadzirisike une shuwa?

“ Foni isisatengeseke unoti ndinoita sei nayo haipindi sim-card? Ini handidi zvokuswera ndichinetsana newe chingondipa mari yangu,” akadaro Agness.

Hamadziripi akapokana nezvakataurwa naAgnes achiti vakange vaita zvekuchinjana foni semukadzi nemurume vanodanana.
“Iwe usada kunyepa, handiti foni yauri kureva takaita zvokuchinjana iwe uchitora yangu ini ndichitora yako? Saka zvauri kutaura zvechikomba zvabvepi,” akadaro Hamadziripi.

Mutongi Ruth Kamangira akarasa chikumbiro chaAgnes achiti pakange pasina umboo hunogutsa dare hunoratidza kuti foni yake yakauraiwa naHamadziripi.

Share This:

Sponsored Links