Uncategorized

muchinda pfee mugumbeze murere amai

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
muchinda pfee  mugumbeze murere amai

Kwayedza

Daphne Machiri —
VAGARI vekuCaledonia, pedyo neTafara muHarare, vari kungozengezana netsika yemumwe mwanakomana weko uyo anonzi ari kushinha naamai vake vekutumbura. Mukomana uyu anonzi murwere wepfungwa.

Amai nemwanakomana ava vanogara muimba imwe chete, umo mavanorara. Zvisinei, Mai Beauty Chibvembe (69), vari kurambisisa nyaya yekuti vanorara nemwana wavo — Martin Mungava (34) — asi vanotsinhira kuti dzimwe nguva mwanakomana uyu anombovapindira mumagumbeze avanenge vakafuga achivakumbira rudo.

Tandiwe Mpumulo, anove mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, anoti Mungava anonzi ane katsika kekutanga adhakwa ozokumbira bonde kuna amai vake.

“Amai nemwana ava vanogara muimba imwe chete — ndimo mavanodyira nekurara. Magumbeze acho avanofuga rinotova idambudziko,” anodaro Mpumulo.

Anoenderera mberi: “Isu sevanhu vemunharaunda tinotoona kuti vanoda rubatsiro. Mukomana uyu anonhonga zvose-zvose — chaabata anodya. Nguva yadarika akambobvutirwa nevanhu imbwa yakafa iyo akavhiya ndokuidya iri mbishi.”

Mashoko aya anotsinhirwa naChipo Tofarasei achiti nyaya yekuti Mai Chibvembe vanopindirwa nemwanakomana wavo mumagumbeze achishinha navo yatekeshera munharaunda.

“Zvekupinda mugumbeze rimwe chete naamai vake hatizvirambe, nekuti vamwe vazukuru vavanogara navo vanotsanangura zvinoitika. Kana zvake zvakakwidza, mwanakomana uyu anozora chigodo chesipo mumusoro kusvika chapera kana kukanyanisa hupfu nemafuta ekubikisa,” anodaro.

Mai Chibvembe vanotsinhira kuti vanorara mumba mumwe chete nemwanakomana wavo uye kuti anombovakumbira kuti vadanane mumachira. Vanoti mwana wavo akarasika njere kubva muna 2010.

“Ehe, tinorara mumba mumwe chete uye ndatongojaira — kubva 2010.

‘‘Iye ane magumbeze akewo, asi ane nguva dzaanombopinda mumachira angu ndakarara. Anombondikumbira bonde asi handisati ndamboshinha naye,” vanodaro amai ava.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kurwara nenjere kwaanoita. Ndinofamba kumapositori nekun’anga asi havana chavanotaura. Saka ini ndatopererwawo, ndashaya zvekuita naye.

“Kana zvake zvakakwidza, handirare achinetsera nyaya iyoyo. Rimwe dambudziko rake nderekungoti chaabata odya uye haadi kugeza. Asi ndikamubvunza, mwana uyu anongoti zvakakonzerwa nemunhu akambomutsvagira basa uyo akazomuitira majerasi nekugona kushanda kwaiita.”

Kana dai zvazvo asina zvaakataura paakaedza kubvunzwa nezvenyaya iyi neKwayedza, Mungava aingogutsurira musoro agere pasi.

Share This:

Sponsored Links