Mudhokwani onorwa kuKazakhstan

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Mudhokwani onorwa kuKazakhstan

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA yemutambo wekarate iri kusimukira, Sempai Tinotenda Mudhokwani, ari mudenga rechinomwe zvichitevera mukana waakawana wekunokwikwidza kumutambo we6th Shinkyokushinkai World Championship kuAstana, kuKazakhstan muna Chikunguru.

Uyu uchange uri mutambo mukuru wekutanga waSempai Mudhokwani kunokwikwidza kunze kwenyika.

Shuviro yemuchinda uyu ndeyekuti agosvika padanho rave nedzimwe shasha dzekarate dzinosanganisira Sensei Admire Chingozhoro naSaiko Sensei Samson Muripo.

Sempai Mudhokwani akawana mukana wekuenda kunokwikwidza kuAstana mushure mekunge ahwina menduru yesirivha mumutambo weAll Africa Shinkyokushin Karate Tournament uyo wakaitirwa kuDurban, South Africa gore radarika apo akakwikwidza muboka reLight Weight.

Mukushi wemashoko weZimbabwe Karate Union – Sempai Grace Chirumhanzu – anoti sangano ravo riri kushuvira chaizvo kuti Sempai Mudhokwani abudirire kuenda kuAstana anodzidza zvakawanda pamusoro pemutambo uyu uye agosimudzira mureza wenyika.

“Sempai Mudhokwani ari kusimukira zvatiri kuona zvinofadza chaizvo uye mitambo yake yadarika tiri kuzviona kuti achasvika kure mumutambo uyu.

“Aka kachange kari kekutanga kake kukwikwidza mumutambo mukuru wakaita seuyu, tinoshuvira kuti anohwina uye kuenda kwake kuchamudzidzisa zvakawanda,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Sempai Mudhokwani mumwe wevatambi anogona kutevera mumatsimba eshasha dzinoti Sensei Chingozhoro naSaiko Sensei Muripo.”

Share This:

Sponsored Links