Mudzidzisi ava hurudza

21 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Mudzidzisi ava hurudza

Kwayedza

bigstock-Fresh-Fruits-And-Vegetables-1579004MURUME wekwaMurehwa aiva mudzidzisi kwemakore akawanda uyo ave pamudyandigere ave murimi mukuru sezvo ari kuwana pundutso kuburikidza nekupfuya nguruve, kurima mbatatisi nezvimwewo zvirimwa. VaChampion Chandavengerwa (62) vanobva mumusha waSabhuku Murenge kwaShe Mangwende vanoti vaiva mudzidzisi wezvekurima pachikoro cheChemhondoro Secondary School mudunhu iri zvinova zvakavapa shungu dzekuzopinda mukurima. “Ndakasiya basa gore rakapera muna Gumiguru apo ndakanga ndatanga  kurima kare, hazvina kundinetsa sezvo zvakagara zviri mandiri,” vakadaro. Murimi uyu ane nguruve dzinodarika zana dzenyama uyewo akarima mbatatisi dzekuisa mumasaga anokwana 4 500.

“Kupfuya nguruve ndakatanga gore rakapera idzo ndave kutengesa dziri mhenyu kune vemabhucha nevamwe varimi vanodawo kuchengeta, basa iri rinofambirana nekurima sezvo zvimwe zvirimwa zvakaita sechibage ndichishandisa sekudya kwenguruve dzangu,” vakadaro. Vanoti vanotarisira kuwedzera huwandu hwenguruve dzavo kusvika pa200. Mubasa rekurima iri vanobatsirana nemudzimai wavo, Mai Zvondiwe Chandavengerwa, pamwe chetewo nevana vavo. “Mbatatisi idzi ndakadzidyara nemusi wa4 Ndira saka ndinotarisira kudzikohwa muna Chikumi, ndiri kutarisira mapockets 4 700 kusvika ku5 000 zvinoreva kuti kana abereka zvakanaka imari kwayo yatichawana,” vakadaro.

Vanoti vakatotanga kare kutaura nevane zvitoro nevezvikoro munharaunda iyi kuti vazotenga mbatatisi dzavo pamwe chete nenguruve.

VaChandavengerwa vanoti chirimwa ichi kana chichinge chabereka zvakanaka musaga rimwe chete munogona kubuda mapockets ema10 kgs matatu kana kudarika.

Nzvimbo yakarimwa mbatatisi idzi yakatandavara yeka imwe chete. Zvakadaro, murimi uyu anoti ane dambudziko rechirwere chekuwora kwemapazi  embatatisi dzake izvo vakati vari kushanda nenyanzvi dzezvekurima. Mvura vanoti inovakwanira sezvo vaine zvibhorani zviviri netangi hombe remvura ravanoshandisa kuchengeta mvura vachidhonza nehinjini.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey