Mudzimai anoimba chitendero osimukira

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Mudzimai anoimba chitendero osimukira

Kwayedza

MUDZIMAI wekuDomboshava uyo anove muimbi wechitendero ari kusimukira akabura dambarefu rake rekutanga rine nziyo nomwe iro riri pamusoro pematambudziko akasiyana anosangana neveruzhinji pakurarama akaita sekushaya mbereko nehurombo.

Audrey Muza (40) wekwaNyamande anoti anopinda kereke yeRoman Catholic uye akakura achifarira zvekuimba.

“Shungu dzangu dzakazadzikiswa gore rino apo ndakabura dambarefu rangu iri rine musoro wekuti ‘Jesus Compassion’ rinova rine nziyo nomwe dzose dzandakaimba nechirungu kuitira kuti dzinge dzichibata marudzi ose. Ndakatangisa kuimba ndichiri mudiki apo ndaipinda mumakwaya ekuchikoro paSt Michael Secondary School chinova chikoro cheAnglican tichitowana mibairo,” akadaro.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti In this world, Build this wall, In God’s power, Jesus Compassion, Love is not love, Sing alleluyah naThe name above all names.

“Nziyo dzose idzi ndakadziimba ndiri ndega asi mukati munozonzwa mutsikisi wedambarefu rangu achidairawo pamwe pacho.

“Zvizhinji zvacho takazviita kuti zvinge zvichinakidza kuburikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwemakombiyuta. Ndinongoda kupa mbiri kuna Mwari musiki vakaita kuti zviroto zvangu zvinge zvichibudirira,” akadaro.

Anoti mune dzimwe nziyo dzake anotsanangudza matambudziko akasiyana anosangana nevanhu akaita sekushaya mbereko, nzara, hurombo kana hondo.

“Mumatambudziko ose enyika aya, ndaida kuzivisa veruzhinji kuti vanogona kutizira kune mukuru wechechi, magweta, varairidzi kana vanatete asi handivo vanoapedza. Munhu wenyama anogona kupanga mazano bedzi asi Mwari ndivo vane mhinduro yezvinetso zvose zvakatikomberedza,” akadaro.

Mudzimai uyu anoti dambudziko ravari kusangana naro sevaimbi ndere kushaya rutsigiro rwemari mukufambisa basa ravo.

 

Share This:

Sponsored Links