Mudzimai haadi amai vangu

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views

Kwayedza

KUNA tete,
Ndiri murume ane makore 30 ekuberekwa, ndakaroora uye ndinogara nemhuri yangu kumusha.
Tete, ndinokumbirawo kuziva kuti chii chinoitika pakati paamwene nemuroora kuti vasawirirane mumusha medu? Nyaya dzinongogara dziri dzekunetsana kwavo nguva nenguva.
Ndinombobvunza vamwe varume kuti ndizvo zvinoitikawo mumisha yavo here asi vanonditi ndizvizive kuti madzimai havagarisane.
Pakurima mudzimai wangu anoti titengere amai vake, ambuya vangu, zvekurimisa asi kuti atiwo titengere amai vangu, amwene vake, hazviite. Mukadzi wangu ndakambomubvunza kuti pane zuva rauchatiwo titengere amai vakandibereka kana chinhu chiduku zvacho here asi iye haana kupindura.
Chokwadi ndechokuti mudzimai wangu anongoda kuti amai vake vaitirwe zvakanaka asi vangu vakandibereka tichivasiya vachitambura. Ndoitawo sei tete?

Garikai Madombwe.
Mutare.

MHINDURO:
Kusawirirana pakati pavamwene nemuroora panonetsa nguva dzose. Vamwene vanenge vachiti mwana mukomana ndivo vakabereka uku muroora achiti murume ndewangu. Saka vose vanenge vachiti, “ndewangu, ndini ndine simba”.
Zvinotoda kuti kana muroora akaberekwa mumusha mune rudo uye kana vamwene zvakare vakaberekwa mumusha mune rudowo, vaviri ava varemekedzane.
Vamwene vanenge vachiti ndakatadza kuita zvandaida ndichirera nekudzidzisa mwana wangu, kuti iwe uzive nekuyemura kana kuda wawava kuti murume wako akatochengetwa neni.
Zvino kana mudzimai wako achibata amwene vake nekunze kwemawoko sezvauri kureva, zvinotowedzera kusawirirana kwevaviri ava.
Asi kana mudzimai wavo ari munhu akazvityora uye ane rudo, akabva kuvanhu vanoziva kurayira, anofanirwa kuzvityora achichengetawo amai vakabereka iwe nekuti hakuna kumwe kwavangatarisira kunze kwekumuroora. Vanasikana vanotoita zvekubvakacha nekuti vava kune yavowo misha uko kunanavamwene vanodawo kuchengetwa.
Zano randava kukupa muzukuru ndeiri: Mudzimai wako pese paanotaura kuti anoda mari yekuti atengere vabereki vake zvinhu, iwe ibva wamupa yakawanda womuti atengerewo vabereki vako kuitira kuti ivo amai vako vasave nechigumbu kumuroora.
Tete.

Share This:

Sponsored Links