Mudzimai hurudza otunzvaidzwa

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Mudzimai hurudza otunzvaidzwa

Kwayedza

MUDZIMAI wekuSanyati uyo akakunda vamwe varimi vose mumakwikwi eHarare Agricultural Show egore rino okurudzira vamwe vanhukadzi kuti vashande nesimba mumabhindauko akasiyana kana vachida kubudirira.Mai Gracious Makoti vakahwinha mibairo inosanganisira tirakita iyo yavakapihwa nekambani yeSouthern Region Trading Company, mudhudhudhu wakabva kuZimbabwe Agricultural Society nembeu yavakapihwa neSeed Co pamwe neAgriseeds.

Vachitaura svondo rapera apo vaigachidzwa mibairo iyi kuSanyati, Mai Makoti, vanoti vanofara zvikuru nekukunda kwavakaita mumakwikwi ekurima aya.

“Ndinoda kupa kutenda kukuru kuvanhu vanditsika nhasi, zvikuru vasiya mabasa avo.

“Mibairo yamuri kuona iyi nhasi haina kungouya chete asi ibasa rekushanda nesimba.

“Ndinoda kukurudzira madzimai mazhinji kuti munogonawo kutora mubairo uyu kana mukashanda nesimba,” vanodaro Mai Makoti.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kutenda kwangu kukuru ndinokupa kuSouthern Region Company nekundipa mubairo wetirakita ichishanda pamwe chete neZimbabwe Agricultural Society.”

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, VaIrvine Craig vanove sachigaro weZimbabwe Agricultural Society vanoti zvakakosha kuti varimi vashande nesimba kuitira kuti vasimudzire mabasa ekurima.

“Mukupa kwatinoita mubairo iyi hatingopi toti zvaperera ipapo, kwete, ndosaka maona tauya kuno nhasi kuzovatambidza tirakita iyi chikonzero chiri chekuti tinoda kugutsikana kuti murimi ahwinha zveshuwa nekurima kwake uye ashandisa gwara chairo rinomuita kuti azosvika kuHarare Agricultural Show.

“Tinoda kupedza huwori hunoda kuitwa nevamwe nekuti vanogona kuhwina mubairo uyu asi ukazotevera woshaya kuti munhu uyu akanga akarima papi pazoita kuti ahwinhe.

“Tinotarisawo zvakare kuti iye murimi uyu pamba pake vana vari kudya vachiguta here, ari kushandisa midziyo yakaita sei pakurima, nyaya dzeutano pamusha pake uye nekuti ari kuchengeta here zvinyorwa zvake.

“Ndizvo zvezvimwe zvinoita kuti munhu ahwinhe,” vakadaro VaCraig.

 

Share This:

Sponsored Links