Mudzimai hutu nababamudiki

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso
NYAKUTORERWA mudzimai nemunin’ina wake akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuda kumupisira mumba. Lillian Tambara akaendesa Adam Sachikombe kuHarare Civil Court achiti akarambana naye gore rakapera asi ari kuramba achimushungurudza. “Murume uyu ari kuramba achindinetsa zvisinei nekuti takaparadzana. Anouya kumba kwangu achiti anoda kundiuraya, ondirova nekundituka nezvinyadzi,” akadaro Tambara.

“Zuva randakatouya kuzokumbira gwaro rerunyararo Sachikombe ainge arara achitenderera panze peyadhi kumba kwangu. Akauya aine chigubhu chaive nepeturu akadzinga maroja ose pamba pangu achiti aida kupisa imba.”

Sachikombe akaudza dare kuti zvose zvaitaurwa naTambara manyepo. “Anoreva nhema, handina kumbobvira ndamurova. Nyaya iripo ndeyekuti pakusiyana kwatakaita vakabva vatorana nemunin’ina wangu anova ndiye waari kugara naye.

“Musi wandingadai ndakavauraya sekutaura kwaari kuita musi wandamubata aine muni’na wangu iyeye apo ndaitoenda zvangu nembatya dzemwana,” akadaro Sachikombe.

“Ndakangotaura navo bedzi kwete kuvatuka. Ari kutongondifungira kuti sezvo ari kugara nemunin’ina wangu ndingangobatwe nemweya wekuvavinga ndikavaita zvimwe zvinhu asi kwete handizvo.”

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Tambara gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links