Uncategorized

mudzimai wemuroja mufoni ya’landlord’

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
mudzimai wemuroja mufoni ya’landlord’ STEPHARIA MURWISI-GODFREY ACHICHATA NEMURUME WAKE BENNY MURWISI

Kwayedza

. . . asina kana kupfeka

Muchaneta Chimuka —
MIFANANIDZO yemukadzi weroja ari musvo iyo yakawanikwa munharembozha yemurume anova muridzi wemba uye ane mudzimai yakonzeresa mumusha weCaledonia, pedyo neTafara, muHarare.

Hapana ari kuramba nezvemifananidzo iyi, kunze kwekuti pari kupihwa tsanangudzo dzakasiyana pamusoro pekuti yakapinda sei munharembozha ya“landlord”.

Zvichitevera kuputika kwenyaya iyi, mukadzi weroja akatodzoserwa kumusha kwake nemurume wake.
ONAI VHIDHIYO

Stepharia Murwisi Godfrey (49) ari kuti murume wake wemuchato (Chapter 5:11) — Benny Murwisi (49) — akatorwa naPauline Mangwangwa (35), uyo anova mudzimai weroja ravo.

Stepharia anoti nyaya yekudanana kwemurume wake neroja iri yakaputika apo iye akasanganidzana nemifananidzo yaMangwangwa ari musvo iri munharembozha yemurume wake.

Mangwangwa — uyo anove mudzimai waKnowledge Mbanje (40) — anotsinhira kuti ichokwadi, “Mifananidzo iri munharembozha ya‘landlord’ Benny ndeyangu, asi hatidanane”.

Anoti ndiye akazvitora mifananidzo iyi achishandisa nhare yaBenny, apo akaikumbira sezvo “ichinyatsotora zvakanaka”.

Ukuwo Benny anotiwo haadanane naMangwangwa asi kuti vanongokumbidzana nharembozha, zvogumira ipapo.

Nerimwewo divi, Mbanje anoti akatonopereka mudzimai wake kumusha kwevabereki vake zvichitevera kubuda kwenyaya inonyadzisa iyi.

PAULINE MANGWANGWA

“Pauline mudzimai ane murume wake uye vanoroja pamba pangu. Vave negore nemwedzi mitanhatu vachigara pamba pedu. Handizivi hangu kuti mudzimai uyu akatanga kudanana nemurume wangu rinhi sezvo murume wangu aingonyepa achiti anotora Pauline semuzukuru wake nekuti vanobva kumusha kumwe chete kuBuhera.

“Chokwadi chakazobuda mushure mekunge ndasangana nemifananidzo inosanganisira yemukadzi weroja uyu akatorara asina kana kupfeka pamubhedha wangu. Ndinoti vaitorana pamubhedha wangu nekuti mashitsi neketeni zviri kuonekwa pamifananidzo iyi ndezvangu,” anodaro Stepharia.

Anoti murume wake ane katsika kekuti paanobva kubasa uko anoshanda semurindi, aitenga maputi, chingwa nezvimwe achisvikopa Mangwangwa nevana vake vaviri.

“Ndaingofungira kuti vaviri ava vanodanana dakara mwedzi uno (Gumiguru) apo murume wangu akafonerwa nehanzvadzi yake iri kuBuhera inonzi amai Muzhingi. Tete vakabva vakumbira kutaura neni, murume wangu ndokunditambidza foni yake.

“Sezvineiwo, fone yakakata tisati tapedza kutaura. Ndakaibata foni kudaro, ndichida kuona kuti sei yakata, ndipo pandakangoona mifananidzo yaPauline arere mumba mangu asina kana kupfeka,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Mifananidzo iyi yakangobuda yoga, ini handina kuita zvekutsvaga mufoni yemurume wangu.

“Pandakabvunza murume wangu, akarambisisa achiti Pauline ndiye akamukumbira foni achiti anoda kuzvitora mifananidzo yekuti atumire murume wake. Handina kugutsikana nemhinduro iyi nekuti mifananidzo iyi inoratidza kuti Pauline haana kuzvitora, asi kuti ainge atotorwa nemunhu wandinovimba kuti murume wangu nekuti kudai aizvitora, mawoko ake angadai asiri kuonekwa pamufananidzo yacho.”

STEPHARIA MURWISI

Mushure meizvi, Stepharia anoti murume wake akaedza kumutorera nharembozha yake nechisimba asi akabva atiza nayo achinoratidza murume waMangwangwa uyo akanga aenda kuchibhorani.

“Ndakamhanya nenharembozha iya kuna Mbanje ndichimubvunza kuti sei mifananidzo yemudzimai wake asina kupfeka iri mufoni yemurume wangu. Mbanje zvakamushamisawo akati achabvunza mudzimai wake nezvenyaya iyi.

“Iye Pauline anoti akashandisa nhare yemurume wangu pakuzvitora mifananidzo yake achida kuzotumira kumurume wake. Murume wake ndiye akazouya ondikumbira ruregerero achiti akanga asina ruzivo nezvakanga zviri kuitwa nemudzimai wake pamba pangu sezvo iye achiswera ari kubasa.

“Ndipo paakati achamuendesa kuvabereki vake kuBulawayo,” anodaro Stepharia.

Stepharia anoti akabva atora nharembozha yemurume wake kubva musi uyu achida kuzoishandisa seumboo.

BENNY MURWISI

“Murume wangu nekuchenjera kwake, zuva rakatevera akabva aenda kunomhan’ara kumapurisa ekuMabvuku achiti ndamutorera nharembozha yake. Mapurisa akauya achida kundisunga ndichibva ndavaratidza mifananidzo yemudzimai weroja rangu yandainge ndaona.”

Stepharia anoti murume wake akazomurukira imwe nyaya ndokunomhan’ara kumapurisa achiti akamutema nedemo nekumubaya nebanga.

“Benny akaburitsa demo nebanga zvaigara mumba medu ndokupa mapurisa seumboo asi pavakatarisa, vakaona asina kana vanga vakangoona kuti dzaingova nyadzi vachibva vangoenda neni kukamba. Akangondisiya ndiriko kumapurisa achiti ndichavharirwa asi hazvina kuitika nekuti umboo painge pasina,” anodaro.

Stepharia anoti murume wake akazongoenda kubasa uko akaita museve waenda neuma kwave kuzodzoka mushure memazuva mashanu.

Achitaura neKwayedza panhare ari kuBulawayo, Mangwangwa anotsinhira kuti ichokwadi, mifananidzo iri mufoni yaBenny ndeyake.

“Hongu, ndakazvitora mifananidzo nefoni yaVaMurwisi, ndini ndakanga ndavakumbira ndichida kuti nditore chibundu chaive chamera pasikarudzi yangu ndichida kutumira murume wangu nekuti ainge anonoka kubva kubasa. Saka ndakatadza kuzodzima ndichibva ndavapa kuti vazodzima asi havana izvo zvakaita kuti mudzimai wavo azoaona achibva afunga kuti ndinodanana nemurume wavo,” anodaro.

Anoti akaenda kuvabereki vake kuBulawayo mushure mekunge aperekedzwako nemurume wake uye anovimba kuti akatorambwa.

Achibvunzwa neKwayedza kuti akazotumira here murume wake mifananidzo yaainge azvitora nenharembozha yaBenny, Mangwangwa haapindure kunze kwekutsenga-tsenga mukanwa achiti, “ummmm”.

Uyuwo Benny anorambisisa kuti anodanana naMangwangwa achiti vanongokumbidzana nharembozha bedzi.

“Handidanani nemudzimai wa- Mbanje asi kuti muroja wangu uyo ava nenguva refu tichigara tose. Kunyangwe mbatya dzandakapfeka idzi, Mbanje ndiye akatondipa. Mudzimai wangu ndiye ari kungoita bapu rekufamba achiudza vanhu nenhau yemifananidzo yemukadzi wemuroja wangu yaakaona mufoni mangu.

“Pauline ndiye akakumbira foni yangu achiti anoda kufonera murume wake, handina kuziva kuti akazvitora mifananidzo nayo. Mumba maari ndemake, kungofanana chete kwemaketeni,” anodaro.

Benny anoti vakatoita hurukuro naMbanje nemudzimai wake pamusoro penyaya iyi.

“Takataura nezuro (Muvhuro svondo rino) nezvenyaya iyi uye Mbanje anoda mudzimai wake asi mudzimai wangu ndiye ari kuramba achitaura ne- zvenyanya iyi kuvanhu. Nharaunda yedu yakaratidzwa mifananidzo iyoyo zvekuti zvava kutonyadzisa,” anodaro Benny.

Anoenderera mberi: “Hongu, ndakamboita imwe nyaya yekupfimba muraini asi hazvirevi kuti pose papfimbwa munhu ndinofanira kunzi ndini kunge zvinoitwa mbavha. Pauline handidanane naye asi kuti tinobva kumusha kumwe chete kuBuhera, ndinomuita muzukuru.

“Hakasi kekutanga achindikumbira foni achifonera murume wake, pamwe pacho foni yake inogona kunge isina moto kana kuti isingaite. Iye akati mifananidzo yaaizvitora aida kutumira murume wake nekuti ane oparesheni iri padumbu rake.”

Zvisinei, pamifananidzo ine Kwayedza hapana pari kuonekwa operesheni yaMangwangwa.

“Mudzimai wangu akaita mazuva matatu achirambira nefoni yangu, akazondidzorera mushure mekunge mapurisa ati ndikumbire ruregerero asi ndisina mhosva. Ndakaita izvi nekuti ndaida foni yangu kuitira pandinofonerwa nemuRungu kubasa,” anodaro Benny.

Anoti ane hurongwa hwekuenda kumatare edzimhosva kuitira kuti atorere mudzimai wake gwaro redziviro sezvo ari kumushungurudza.

Mbanje anotsinhirawo nyaya yemifananidzo yemudzimai wake iri munharembozha yaBenny.

“Hongu, Mai Murwisi vakandiratidza mifananidzo yemudzimai wangu iri mufoni yemurume wavo saka ini hazvina kundifadza hangu asi handizivi chokwadi chakaitika. Kutaura kudai ndakatomuperekedza kuvabereki vake kuBulawayo asi mwana akasara. Ini ndiri kubasa pari zvino,” anodaro Mbanje.

Haana kubuda pachena kuti kuperekedza kwaakaita mudzimai wake uku kuparara kwewanano yavo here kana kuti kwete.

“Ndakamuendesa kuvabereki vake asi handingati ndamuramba. Mikana yekurambana iripo. Ndichatoona kuti ndatama pandinogara nekuti hazvichaita nekuda kwezvakaitika,” anodaro.

Mbanje anotiwo mifananidzo yakatorwa nemudzimai wake achishandisa nharembozha yaBenny haana kuitumira kwaari.

Share This:

Sponsored Links