Uncategorized

Mufundisi akadonha nyoka muchechi . . . ‘Haisi yangu, yakaita zvekuiswa nevavengi’

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Mufundisi akadonha nyoka muchechi . . . ‘Haisi yangu, yakaita  zvekuiswa nevavengi’ VaEriya Machitandavara

Kwayedza

MHOMHO yevanhu vaive pakati pekunamata muchechi yeReformed Church in Zimbabwe (RCZ) iri pachikoro cheMuroyi Primary School, kwaNhema, kuZaka, vakaita baramhanya vachitiza muchechi umu mushure mekunge muvhangeri aive pakati pekuparidza adonhedza mukweshwa wenyoka waichema sekamwana.

Munyaya yakaitika nguva pfupi yakadarika iyi, vanamati vanonzi vakadzvamuka vachitiza mucheche apo mukweshwa wenyoka unonzi wakadonha mubhaibheri remuvhangeri ndokutanga kudzingirira vanhu.

Nyoka iyi yakazouraiwa ndokupiswa asi muvhangeri uyu anoti akazosangana nayo zvakare ave munzira kuenda kumba kwake.

Sezvinonzi pane chinodaro, mudzimai wemuvhangeri uyu akazorumwawo nenyoka husiku hwemusi uyu ave kumba kwavo asi chikara chenyoka yacho hachina kuonekwa kunze kwevhunurwa bedzi rakaonekwa riri pasi pemubhedha.

VaEriya Machitandavara (84) vakaudza Kwayedza svondo rapera kuti ichokwadi kuti vakadonhedza nyoka huru kubva mubhaibheri apo vaiparidza asi havazive kuti yakabva kupi.

Vanoti vakabva kumba vaine bhaibheri ravo ravakange vakaisa mukabhegi ako kavakarongedzerwa nemudzimai wavo.

VaMachitandavara – vemubhuku raTakawira – vanonzi nemusi weSvondo waitika mashura aya vakasvika muchechi vanhu vatoungana.

Vakazoenda kumberi kupurupeti uko vakanotanga nekushaura rwiyo vachigadzirira kuzoparidza.

VaMachitandavara vanonzi vakazoburitsa bhaibheri ravo mukabhegi ndokuriisa pamusoro pepurupeti.

Vanonzi vakazotanga nekutaurira vanamati kuti vavhure mabhaibheri avo mumagwaro avaida nevhesi racho.

Panguva iyo vamwe vanamati vaivhura mabhaibheri, naivowo vaiita zvimwe chetezvo.

Apa ndipo pari kunzi mukweshwa wenyoka wakadonha kubva pamusoro pepurupeti paiva nebhaibheri raVaMachitandavara ichibva yanowira mumakumbo amuvhangeri uyu.

Vachiona nyoka iyi, VaMachitandavara vanonzi vakazhamba kuchema vachisvetuka nekutya apowo mhomho yevanhu vaiva muchechi vakadzvamuka vachitiza.

Vamwe vanhu vanonzi vakapoya nemumahwindo vamwe vachimanikidzana pamusiwo.

Vachirondedzera mashura aya kuvatori venhau, VaMachitandavara vanoti idi kuti vakadonhedza nyoka kubva mubhaibheri ravaive naro muchechi.

“Ndakapihwa bhegi raiva nebhaibheri nemudzimai wangu apo vakatondibatsira nemavhesi ekunoverenga. Ivo vakasara kumba apo ndakanowana vanhu vatomirira shoko muchechi.

“Ndakaenda kumberi ndokutanga kushaura nziyo, ndokuzovhura bhaibheri apo nyoka iyi yakaerekana yawira mumakumbo mangu.

Onai vhidhiyo pazasi

“Haisi nyoka yangu, kana ruzivo rwekuti yakabva kupi handina sekutaurwa kuri kuitwa nevanhu,” vanodaro VaMachitandavara.

Vanoti nyoka iyi vakaita yekuisirwa nevavengi vavanoti varoyi.

“Nyoka iyi yaiva yegreen hombe. Ava vanhu vanoda kusvibisa zita rangu kuti ndinzi ndiri muroyi. Ehe, nyoka yakadonha muchechi pamberi pangu ichibva mubhaibheri randaiva naro, asi chishamiso ndechekuti nyoka haingakwane mubhaibheri. Handizive kuti yakadonha mumhepo here asi ndakazoiona yava pasi. Ini handichengete nyoka, chikaraka ichi,” vanodaro muvhangeri ava.

VaMachitandavara vanoti nyoka imwe chete iyi, iyo yakanga yauraiwa ikapiswa, vakazoiona mumugwagwa vave kudzokera kumba.

Vanotizve mudzimai wavo akazorumwa nenyoka isina kuonekwa kumba kwavo mumazuva akatevera.

“Ndakazoona nyoka iyi mumugwagwa ndikangoishaya kuti yakaenda kupi. Vadzimai vangu vakazorumwa nenyoka vakatoenda kuchipatara kuBikita.

“Nyoka yakavaruma hatina kuiona kunze kwevhunhurwa raive pasi pemubhedha. Izvi zvinoratidza kuti inyoka yevaroyi vanoda kusvibisa zita rangu,” vanodaro.

VaMachitandavara vanoenderera mberi vachiti: “Vanhu vanonditi ndine mishonga nezvimwe zvakaipa, uku kundivenga. Ndine mari nezvinhu zvangu, ndakashanda kwemakore akawanda mukanzuru kuBulawayo.

“Ndinotambira mari kuNSSA neyepenjeni uyewo yemaroja. Vana vangu vanoshanda mabasa akanaka, vaviri vadzidzisi mumwe chete anoshanda kuchipatara cheMpilo (Central Hospital). Handisi muroyi ini.”

VaEfesi Magomo (40), avo vanopinda chechi iyi, vanoti ndivo vakazouraya nyoka iyi.

“Takaona bhaisikopo musi uyu. VaMachitandavara vakasvika vanhu vaungana kare ndokusvikoenda pamberi vakatanga kutungamirira chechi.

“Nyoka iyi yakadonha vanhu vakavarairwa, vachitovhura mabhaibheri. Payakadonhera pasi, yakachema semwana mucheche, ivo vakavhundukawo ndokusvetuka vachichema. Vanhu vose vaivemo vakatiza nemativi akasiyana vachisvetuka nemumahwindo, vamwe vachinotsitsirirana pamusiwo,” vanodaro.

Paimhanyidzana vanhu apa, VaMachitandavara vanonzi vainge vayeva nyoka iyi vakamira nechekure.

Nyoka yacho inonzi ndipo payaidzingirira vanhu ichibva yazodzokera kupurupeti uko inonzi yakanomonera sitendi inogadzikwa bhaibheri. “Muchechi umu, inova imba yekudzidzira vana pachikoro apa iyo yatinonamatira, makazosara musina vanhu. Vamwe ndivo vaidongorera vari kunze.

“VaMachitandavara vakasara varimo uye vaisadzingirirwa nenyoka iyi. Varimo kudaro, ndakazomhanya kunotora danda remuti iro ndakapinda naro ndikazorovesa nyoka iyi ikafa ipapo. Takazoipisira kunze kwechivanze chechikoro,” vanodaro.

VaMagomo vanoti chakavashamisa ndechekuti nyoka iyi pavakairova nedanda ikatsemuka pamusana, haina kubuda kana ropa.

Vanoti kubva pachiitiko ichi, chechi yavo yave kuita vanhu vashoma sezvo vamwe vachitora chiitiko ichi semabasa emishonga yakaipa. “Muvhangeri vanoti havazive kuti nyoka iyi yakabva kupi. Vanototi vakashamiswa zvikuru nezvakaitika muchechi izvi,” vanodaro VaMagomo. Mudzimai waVaMachitandavara, Mai Kerita Machitandavara (59) vanotsinhirawo nyaya iyi.

“Musi waitika nyaya iyi, ini handina kuenda kuchechi. Asi ndini ndakatoisa bhaibheri rababa mukabhegi kavakaenda nako. Ngakatozunza bhegi iri ndichisa tsvina ndokubatsirana navo pamavhesi ekunoverenga.

“Ndakazonzwa vodzoka vachinditi, ‘Mai mwana nhasi kwaitika shura kuchechi, nyoka yadonha mubhaibheri.’ Ndakavati chirudzii, nyoka kukwana mubhaibheri vakati ndizvo zvaitika,” vanodaro Mai Machitandavara.

Vanoti vanhu vaiva kuchechi musi uyu vari kupupura mashura aya. Vobvunzwa nenyaya yekuti murume wavo aisashereketa here, vanoti hapana chavanoziva “kunze kwaiye muridzi”. VaMachitandavara vanoti vari kuendesana kudare raSadunhu Muroyi nemumwe murume nenyaya yekuti vakatukwa vachinzi muroyi akadonhedza nyoka muchechi. Murume ari kuendeswa kudare uyu anonzi Jephious Chiteke wemubhuku raChida mudunhu iri.

Mumiriri waSadunhu Muroyi, VaJames Shanji (57), vanotsinhira nyaya iri kudare ravo pakati paVaMachitandavara naVaChiteke yekupumhanha huroyi.

Munin’ina wemuvhangeri uyu, VaMichael Machitandavara (63), vanoti: “Ndanzwa nyaya iyi, mukoma ndakavabvunza vakabvuma kuti ichokwadi, nyoka yakadonha mubhaibheri vari muchechi. Ndakavati nyoka iyi vakanga vaitakura here iri mubhegi kubva kumba ndokuti vaisaziva sezvo bhaibheri iri rakanga raiswa mubhegi naamaiguru mudzimai wavo.” Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevakuru vechechi iyi kudunhu reMasvingo pamusoro penyaya iyi. Asi Sekuru Elisha Mutanga vekuZinatha vanoti muvhangeri uyu anofanirwa kunyatsojekesa kuchechi yake kuti zvakambofamba sei. Mashoko avo anotsinhirwa naVaFriday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano ravanachiremba vechivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA).

Share This:

Sponsored Links