Mufundisi onangwa huroyi

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUMWE mufundisi ari kuchema-chema achiti ari kupumhwa huroyi nemukadzi waanoroja pamwe chete naye achinzi akadya mwana wake apo aive nepamuviri uye kuti anomutumira katsi kuti dzimuuraye.

Pastor Mary Phiri akaendesa Tsitsi Mutambanesango kudare reHarare Civil Court achiti anogara achida kumurova, kumutuka nekumupumha huroyi.

“Ishe, ndakamuka mumwe musi ndikanzwa mukadzi uyu achitaura nemuridzi wemba achiti tiri kutambisa magetsi ini pamwe nevazukuru vangu. Aimhan’ara hake asi ini ndini ndinogara ndichiabhadhara pamwe nekutenga malights epamba apa.

“Akatanga kuita bongozozo achirova-rova mahwindo angu apa akanga achitonditadzisa kuenda kuchechi nekuti wakanga uri musi weSvondo.

“Mukadzi uyu anondipomera huroyi achiti ari kutondinamatira. Anoti ndakaita kuti aparadzike pamuviri uye ndakadya mwana wake. Kunyanya kundipumha huroyi kwakanyanya.

“Akatombonditi ndinomutumira katsi kuti dziuraye mhuri yake. Kana ndichida kumuuraya handiti ndingadai ndakazviita kare, ndinotombomupa chikafu asi huroyi hwangu hwazotanga nhasi?

“Saka ishe wangu, dai manzwa chikumbiro changu, ndinoda kugara nemukadzi uyu murunyararo kwete zvekuswera tichifungirana zvisakarurama,” akadaro Phiri.

Mutambanesango akabvuma kuti pane kusawirirana pakati pavo achiti mufundisi uyu anomira pamukova pake achida kunzwa kuti anenge achitaura nezvei.

“Kusawirirana hongu kuripo, asi handina kana daka naamai ava kungoti ivo munhu ane makuhwa. Vanouya pamukova wangu vachida kunzwa zvandinenge ndichitaura kana panhare chaipo.

“Pandaiva nenhumbu ndisingade kureva nhema pamberi pedare, vakanditi vari kuda kuona kana ndikabata mwana wangu mumawoko. Ndipo pandakavabvunza kuti asi pane zvavanoita zvichaita kuti nditadze kubata mwana wangu.

“Zvisinei, ndakabva ndaparadzika pamuviri saka zvinhu zvinotogara zvichindidya moyo,” akadaro Mutambanesango.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro rerunyararo kuna Phiri ndokuti kana pane nyaya dzavanofanira kutaurirana sevanhu vari kuroja pamba pamwe chete, vozviita murunyararo.

Share This:

Sponsored Links