Mufundisi otsvaga rubatsiro

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Mufundisi otsvaga rubatsiro SENSEI Tawanda Mufundisi akabata menduru yebhuronzi yaakahwinha kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Torunament kuDurban, kuSouth Africa nguva pfupi yadarika, apa achitaridza gumbo rake rakatyoka : Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

SENSEI Tawanda Mufundisi akabata menduru yebhuronzi yaakahwinha kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Torunament kuDurban, kuSouth Africa nguva pfupi yadarika, apa achitaridza gumbo rake rakatyoka : Mufananidzo: Memory Mangombe

SENSEI Tawanda Mufundisi akabata menduru yebhuronzi yaakahwinha kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Torunament kuDurban, kuSouth Africa nguva pfupi yadarika, apa achitaridza gumbo rake rakatyoka : Mufananidzo: Memory Mangombe

SHASHA yemutambo wekarate, Sensei Tawanda Mufundisi, uyo akatyoka gumbo masvondo adarika achirwa kuDurban kuSouth Africa kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Torunament ochema-chema achitsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kurapwa.

Mufundisi akatyoka gumbo rake paairwa nemumwe mutambi wekuUkraine musemi-fainari apo akazohwina menduru yebhuronzi.

Zvisinei, anoti kunyangwe hake akazohwina bhuronzi haana kufara nazvo sezvo aida chaizvo kuhwina menduru yegoridhe.

“Ndakarwadziwa zvikuru nekutadza kuhwina goridhe kumutambo uyu nekuti ndicho chinhu chandainge ndakafambira kuSouth Africa.

“Hazvina basa kuti ndakazowana bhuronzi, goridhe ndiro randainge ndafambira kunyanya, zvakazongoitikawo nekuti ndakazokuvara ndichirwa izvo zvakandikanganisa kufambira mberi.

“Ndave kukumbira rubatsiro kubva kumasangano akasiyana kuti ndienderere mberi nekurapwa.

“Ndinoshuvira chaizvo kuenderera mberi mumutambo uyu,” akadaro Mufundisi.Mufundisi, uyo ave nemakore anopfura 24 ari mumutambo uyu, anoti akambosvika panguva yekuda kusendeka parutivi mutambo uyu apo aive muchipatara kuDurban, kuSouth Africa asi akazosimbiswa nachiremba aimurapa kuti asarase tariro.Kubva paakatanga zvekarate, Mufundisi anoti haasati ambokuvara zvekusvika pakutyoka gumbo kana ruwoko.

 

Share This:

Sponsored Links