Mugapu munei?

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NGUVA yatiri iye zvino ndeye rurasademo nekuti takapedza kunyora bvunzo. Asi hazvirevi kuti ndiyo nguva yokuswaradza. Ichokwadi tiri kuswera tichipishana naro bhora rechikweshe mumigwagwa nemumapani. Idzo nhondo nepada nearaura haikona kutaura. Mabhuku akanzi kwakadaro njanjandara.

Zvino ndinoti kune uyo akachenjera ndiyo nguva yekugadzirira ramangwana rakanaka. Mwana wechikoro nemurimi hazvina kana kumbosiyana.

Murimi akangwara akatogadzira minda kare.

Izvozvi ari mushishi yekuunganidza zvose zvingadiwa kuti kana mvura yemunhurukwa yarova pasi, anobva aita heki-heki nekurima kuti goho rake rigoita sekunge ane divisi izvo kwete.

Ndizvo zvakaita mwana wechikoro akangwara.

Kutaura kuno akatogadzira gwaro rake iro anokanda dzidziso yose yaanowana zuva nezuva (note book).

Mugwaro imomo muchakandwa twakawanda kusanganisira nemasvomhu chaiwo.

Chikamu chino “mugapu munei” tichakanda zvakasiyana-siyana zvatakadzidza nezvatisina kuti tirodze pfungwa. Mugapu rechembere munodirwa twakawanda-wanda twunoita kuti ritapire.

Naizvozvo mugapu redu rechiShona takanangana nekupendera gore.

Mukupendera gore tichatarisa zvakasiyana zvinoita kuti ritapire. Ndinoda nditange nematauriro edu chaiwo.

Vanobika doro rendari kana doro rose-rose haro kusanganisira remukwerera vanoriisa mumhirimo kana mugate umo rinotutumira nefuro kuri kududza kuvira kwaro.

Doro iroro rinonzi mupeta wedoro.

Madora kudya kunovaka muviri kuri mhando yamakonye matema akada kufanana nemasinini.

Kana madora akawanda panzvimbo imwe chete tinoti gwamba ramadora.

Kana wave moto tinoti murazvu wemoto, mukonde wesadza kana kuti mwanda wehuswa.

Kana nyama ikatengwa yakawandisa inoda kuomeswa. Zvino kuti iomeswe inoda kuiswa munyu yakachekwa iri nhete uye yakareba zvakafanira. Ndiyo inonzi midzonga yenyama. Kana zvava zvidimbu zvidiki zvemidzonga zvava kunzi nhindi.

NYAUDZOSINGWI:

Nyaudzosingwi dzinoita kuti huremu hwechikero chechirevo huremu kusvika pakudhinguka. Inobva yaburitsa maitikiro kana mamiriro akaita zvinhu.

Tinotaura tichiti, “Mwana paakabvunzwa nababa vake akati danangu, kutaura zvose zvakanga zvasara zvichiitika ivo vasipo.” “Kunze kwakaswera kwakati dhuma namakore.” Tinogona zvakare kuti “murwere afamba achiti mbera mbera muchipatara”, “Akati nharo kiringindi apo aida kupinzwa musango.”

Kubudikidza nenyaudzosingwi, tinogona kuvaka mufananidzo mumusoro medu pamusoro pechinhu chiri kutaurwa. Sekuti: “Takamuwana achingoti pfiku pfiku kuchema arohwa neshamhu”, “Akati mhere tetsu paakanzwa zvekufa kwababa vake.”

MADIMIKIRA:

Madimikira anowedzera mutsindo muchinyorwa nekuti munhu haabudi pachena asi kuti anotaura chiitiko nenzira yakavanzika.

Kana totaura tine madimikira anowanzoshandiswa zvisiriizvo navanhu sekuti, “kubereka tsoka” ne”kukanda tsoka”. Kubereka tsoka kumhanya zvikuru, kunyanya kana uchidzinganiswa. Ndipo paya paunoita hushamwari nemhepo.

Kana kwava kukanda tsoka zvoreva kuti wava kufambisa.

Kufura chinya kutsamwa zvikuru zviya zvekuda kurwisa usingabatike.

Kana uchifemera mudundundu unenge wakazarirwa nehasha.

Kutamba chamunhavatava kutambudzika kukuru nekuda kwezvaunenge wasangana nazvo muupenyu.

Share This:

Sponsored Links