Muhammadi Ali: Sando dzake

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Muhammadi Ali: Sando dzake

Kwayedza

PASI rose riri kuchema gamba, gamba remutambo wetsiva uyewo gamba raive nemafungiro namaonero akasiyana zvikuru navamwe vanhu kubvira paakaita mukurumbira wemutambo wetsiva, kusvikira mukushaya kwake musi 3 Chikumi gore rino.

Mumwe angaite mbiri yakadai ndiani, kusiya kwaMuhammad Ali, akazvarwa kuLouisville, Kentucky, kuAmerica musi was 17 Ndira, 1942?

Paakashaya akange ave namakore 74, uyewo akarwara kwenguva refu nechirwere cheParkinson’s disease, icho chinoitisa nhetemwa.

Zita rake rokuzvarwa ndiCassius Marcellus Clay Jr. Asi akazonzi Muhammad Ali mushure mokunge atendeuka kuchitendero chechiMoslem (Nation of Islam). Mazita ake amadunhurirwa aiti: The Greatest; The People’s Champion; The Louisville Lip. Ali akawana mukombe wake wokutanga aine makore 22, mugore ra1964. Akarwa mitambo yetsiva inosvika 61 kusanganisira mumwe wakaitirwa kuDemocratic Republic of Congo ichiri kunzi Zaire. Akakunda mune mitambo 56, mune 37 yacho achidhaura zviya zvinonzi “knock out.” Akangokundwa mitambo mishanu chete.

Muhammad Ali akaitawo mbiri paakaramba kunorwa hondo yokuVietnam, achiti chisoja, basa racho kuuraya chete, chete. Akamirira pasi rose munyaya dzorunyararo nokugarisana kwakanaka, uyewo aive baba vemhuri vaida mhuri yavo zvikuru. Muhammad Ali achemwa nepasi rose, kusanganisira nevokuno kuZimbabwe, nokuti asiya nhaka inobatika. Mufananidzo uyu wakatorwa paInternet uye unoratidza kuti aive mago chaiwo, aidhaura.

Zorora murugare The People’s Champion!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey