Muimbi akatiburwa nezvidhoma

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Muimbi akatiburwa nezvidhoma GOODWELL Chari

Kwayedza

GOODWEL CHARI, muimbi wekumboita mukurumbira nekambo kanoshora zvidhoma nemabasa azvo —kanonzi “Tula Bechilubhe” — wekudunhu raShe Chimombe, kuBuhera, anoti akaita nguva refu achirohwa nezvinhu zvisinganzwisisike izvo zvaanofungira kuti zvidhoma.

Izvi anoti zvaikonzerwa nevaroyi vaimuranga nekuda kwekuvafumura kwaakaita mukambo kake sezvo kachibata zvinonyatsoitika mukurarama.

Chari (43), uyo anoridza nechikwata cheMangoma Express, achibva mubhuku raMukanda, anoti aishungurudzwa nezvidhoma dakara azonopotera kuvamwe vanamati.

“Ndakaburitsa kambo aka mugore ra1999 ako kakafarirwa zvikuru neruzhinji, nyambisirwa ndakanga ndadenha vamwe vanhu nezvinhu zvavo. Ndaiona tuvanhu tupfupi ndichirohwa masikati machena neusiku. Dzimwe nguva ndairohwa ndichiridza ndiri pashoo ndotopunzika ndozoburitswa kunze. Ndaiona tuvanhu utwu tuchiridza gitare rangu tuchitamba pasiteji uye shoo yaibva yaperera ipapo,” anodaro Chari, uyu nechikwata chake vanozivikanwa kuManicaland, kunyanya munzvimbo dzemafaro kuBuhera.

Anoti vanhu vainzwa mweya wezvidhoma uchitaura paari unonzi waiti zvaiva zvashatirwa zvikuru nekuzvifumura kwaakange aita.

“Ndaitanga kutswinywa muviri wose nekuona madzengerere, ipapo ndaibva ndangotanga kusaziva zvandaiita. Vaindibatsira vanoti mweya waitaura pandiri zvidhoma izvo zvaida kundikaurisa. Panguva iyi ndinonzi ndaitsenga rurimi nekupupa furo zvichitaura kuti zvaida kundichepesa,” anodaro Chari.

Muna2004 Chari akaburitsa rimwezve dambarefu “Nzvee” asi aingotambudzwa nezvinhu izvi.

“Ndakapona zvekuti zvino ndiri kuridza ndiri kumusha kwaGaza nekwaMurambinda,” anodaro Chari.

Anotenda vanamati veJohane Masowe weChishanu nesangano rechechi yeChiyedza avo vakamubatsira padambudziko rekurohwa nezvidhoma iri.

Chari anoti ane rimwe dambarefu idzva raari kutarisira kutsikisa munguva pfupi iri kutevera.

Muimbi uyu anoti anoita nziyo dzekurota kana kuimba zvinoitika mukurarama kwevanhu.

“Zvekuimba izvi zvakatanga ndiri kuchikoro kuMachacha Primary. Musambo wedu unonzi Sungu-Mbira zvichireva kuti ndinosanganisa mbira nemagitare.”

Anoti haatye kuimba dzimwe nziyo dzine chekuita nenyaya dzehuroyi zvisinei nepfumvu yaakaoneswa pane kambo kake Tula.

Share This:

Sponsored Links