Muimbi obatsira nherera

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI wemusambo weSungura – Lovemore Muzondiwa wechikwata cheMbarura Express – anoti akazvipira kubatsira nherera dzakasiyana kuburikidza nekudzibhadharira mari yechikoro nekutenga mbatya dzekupfeka.

Muzondiwa, uyo anove zvakare Bishop wechechi yeEbenezer Christian Church in Zion, svondo radarika akapa nhumbi pamwe nezvakasiyana kunherera nevana vakaremara kuSengejira kuGokwe South uko kwaive negungano rechechi yake. Muhurukuro neKwayedza, Muzondiwa anoti mukukura kwake akarerwa nehama sezvo amai vake vakafa achiri mudiki uye baba vake akange asingavazive saka akaona vana vasina vabereki anonzwa kushushikana zvikuru.

“Kukura usina mubereki kunorwadza uye vakuru vakataura chokwadi pavakati nherera inoguta musi wafa amai vayo, ndinozviona kune nherera zhinji,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey