Uncategorized

Mujibha Kawara orangarirwa

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Mujibha Kawara orangarirwa Mushakabvu Ranjinos Kawara

Kwayedza

Mushakabvu Ranjinos Kawara

Mushakabvu Ranjinos Kawara

MUVAMBI wesangano rinomirira vanamujibha nanachimbwido, reZimbabwe National Liberation War Collaborators Association (Ziliwaco), Cde Ranjinos Kawara, avo vakashaika mugore ra2001, vacharangarirwa neMugovera svondo rino kuburikidza negungano richaitwa pamusha pavo kwaSabhuku Kawara, kwaMashayamombe kuMhondoro.

Cde Shain Chakanyuka (56), avo vanova munyori mukuru musangano iri vakazivisa nezvechiitiko ichi pamusangano wavanamujiba nanachimbwido wakaitwa paNyamweda, kuMhondoro nguva pfupi yadarika.

“Tiri pano maCdes hatikanganwe murume akaita kuti sangano rino rivepo, aiva mujibha mukuru muno muMhondoro, Ranjinos Kawara. Aiva muvambi waro ari sachigaro uyo akashaika mugore ra2001.

“Tiri kuisa dombo parinda rake nekuita mabiko kutanga na10 mangwanani pamusha pake saka tinoti hama neshamwari ngativepo timuyeuke mumwe wevazhinji vakaunza rusununguko rwatinoyemura nhasi,” vakadaro Cde Chakanyuka.

“Murume uyu akafa achisiya mudzimai, Venah Kawara, nevana vana avo tinoda kunoungana navo zuva iri tichiratidza kukosha kwaaive akaita kusvikira mukufa kwake, nanhasi uno hatimukanganwe.”

Pamusangano uyu pakakurukurwa nyaya dzine chitsama idzo dzinosanganisira zvirongwa zvekusimudzira vanamujibha nanachimbwido.

“Nhasi tiri pano kutaura nenyaya yekuti vana mujibha nanachimbwido vawanewo kutendwa neHurumende nekuda kwezvavakaita muhondo yeChimurenga,” vanodaro Cde Chakanyuka.

  • Kune vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pegungano rekuyeuka mushakabvu uyu vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 771 542.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey