Uncategorized

‘Mukadzi ainyanya kuchengera uyu’

26 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

PANE murume akaudza dare redzimhosva kuti akapata musha wake ndokusiya mukadzi wake nevana nechikonzero chekuti mudzimai uyu ainyanya kumuchengera nekugara achimutukirira.
Izvi zvakabuda apo mudzimai uyu, Saliwe Mazika, akange akaendesa aimbova murume wake, Kudakwashe Mazika, kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira vana vake.

“Baba ava vakangotiza pamba vachindisiira mutoro wekuchengeta vana ndega.
Izvozvi vana vanodya nhoko dzezvironda sevasina baba.

Dare ngarindibatsirewo abhadhare $100 yamendenenzi kuti ndiwane chekubata pakuriritira vana.
“Ndakatanga kuona mazuva ekutanga nekusauya kumba kwaakanga ava kuita.

“Pandakamubvunza nenyaya iyi akabva achinja nekusatenga zvinhu zvekumba pamwe chete nekundituka, ndokutotiza pamba.

“Ipapa ndakatoita wekuvhima kuti ndikwanise kumupa magwaro ekuno kudare.
“Dai zvaibvira dare rabva ratomupa mutongo nekuti angangotiza ndikatadza kuzomuona,” akadaro mudzimai uyu.
Kudakwashe akati mari yaidiwa yakawandisa.

“Ini ndinokwanisa $40, dai dare raindinzwisisa nekuti izvozvi mukadzi wandinaye ari kutarisira, ane pamuviri.
“Vana ndinombopota ndichiriritira nekuti mari ndinombomutumira yekuti aone chekubata nevana asi kuti iye ava kungoona sekunge ndisina hanya nevana vangu nekuti ndakamusiya.

“Mukadzi uyu ndaimuda asi kuti takatadza kugarisana.
“Aindishungurudza nekundituka pese pandainonokera kupinda mumba.

Kungopinda mumba ndanonotswa nebasa aipedza usiku hwese iriyo nyaya yekuti manga muine tupfambi twenyu. Ndakamutiza nekuti kuchengera ainyanya,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Kudakwashe abhadhare $70 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links