Mukadzi anobviswa bhurugwa pajekerere

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE mukadzi akabongomora mhere mudare achiti murume wake ane tsika yekumubvisa bhurukwa remukati pajekerere pazere vanhu obva aisa minwe yake kusikarudzi yake achiti anoda kuona kuti haana kushereketa nevamwe varume here.

Marcia Gadzino akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira Eric Garufu.

“Changamire, ndauyawo kuno kuti mundibatsire baba ava vasandishungurudza sezvo ndisisina mufaro. Ndinorohwa uye kutukwa zvinyadzi pazere vanhu. Handisisina chimiro pane vanhu,” anodaro achisvimha misodzi.

Anoti Garufu ane tsika yekumubvisa bhurugwa remukati apo anenge achifamba mumugwagwa muzere vanhu. “Vane tsika yekundibvisa bhurugwa pazere vanhu vachiti vanoda kuona kuti handina kushinha nevarume here. Vanoisa zvigunwe zvavo kusikarudzi yangu izvo zvinondishungurudza zvikuru. Uyezve vanotora foni yangu votanga kutaura nevanhurume vose vane nhamba dzavanenge vaona vachiti zvikomba zvangu, vobva vatondirova,” anodaro Gadzino achihwihwidza kuchema.

Garufu haana kupikisana nechikumbiro chaGadzino.

Mutongi Larzin Ncube akapa Gadzino gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links