Uncategorized

Mukadzi anoparika varume 2…Vanorara pamubhedha mumwe chete vari vatatu…Vanowachiswa manapukeni nekutsvaira chivanze

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Mukadzi  anoparika  varume 2…Vanorara pamubhedha mumwe chete vari vatatu…Vanowachiswa manapukeni nekutsvaira chivanze Joice Katiyo

Kwayedza

Joice Katiyo

Joice Katiyo

IMBOFUNGA izvi. Mukadzi anogara nevarume vaviri muimba imwe chete — vose vachiti “mukadzi ndewangu”. Vatatu ava, mukadzi nebarika rake revarume, vanodya nekurara pamubhedha mumwe chete, varume vachitopanana majana ekuwachira mudzimai wavo hembe nemanapukeni evana. Anongoti pwe-e bedzi anobva azvambaradzwa senyoka yapinda mumba.

Inoita sekunge nyaya yemufirimu asi kwete. Izvi zviri kutoitika zuva rakacheka nyika kuEpworth, muHarare, uko mumwe mukadzi ari kugara nevarume vake vaviri muimba imwe chete.

Varume ava vanopanana nguva yekusasana nemudikani wavo.

Simbarashe Chaitezvi (28), uyo anozvikanwa nezita remadhunhurirwa rekuti Kedha naDaniel Mapfumo (33) vari kugara nemudzimai mumwe chete, Joice Katiyo (23).

Kana vemunharaunda zvavashaisa neremuromo.

Mapfumo anotsinhira kuti iye naChaitezvi vakaparikwa nechibayamoyo chavo Katiyo, kunyangwe zvazvo vamwe vake vaviri ava vachitsenga-tsenga mukanwa.

Varume vaviri ava vanonzi vanobatsira mudzimai wavo mabasa epamusha akaita sekuwacha manapukeni, kutsvaira mumba, kugeza ndiro, kubika nezvimwewo.

Vanonziwo vanoita makwikwi ekuedza kugutsa nekufadza mudzimai wavo.

Mapfumo, uyo anove mukuru, anoita basa rekuvaka uyuwo “nyachide” Chaitezvi achirarama nekubika kobhura nekutengesa panzvimbo yemabhizimisi yakavakiswa nababa vake.

Katiyo anogara nevarume vaviri ava panzvimbo yemabhizimisi iyi.

Mapfumo anonzi akatovaka kumusha kwake kwaMurehwa nemudzimai uyu uye musha wake wava kutoparara nechikonzero chekuti Katiyo akazotsvaga mumwe murume wechipiri.

Pakashanyirwa mhuri iyi neKwayedza svondo rapera, yakawana paina Chaitezvi naKatiyo apo murume uyu aitoyanika mbatya dzaaiva awacha dzaisanganisira manapukeni emwana wavo mudiki.

Mhuri iyi ine vana vaviri uye zvinonzi mukuru ane makore mashanu ekuberekwa ndewa Mapfumo uyuwo mudiki achinzi ndewa Chaitezvi.

Mwana mukuru anonzi akaitwa mudzimai uyu asati aparika varume ava asi mudiki akazozvarwa Katiyo ava nebarika revarume.

Achitaura neKwayedza, Chaitezvi akaedza kuramba nyaya iyi achiti Mapfumo, uyo waaiti ndibabamukuru vake paaitaura, aingouya chete kuzoona mwana wake wavanogara naye.

“Hatingarambidze munhu kuzoona mwana wake. Ini chandinoziva mukadzi ndewangu ndoga, ava babamukuru Mapfumo vanogara kwavo,” anodaro Chaitezvi.

Zvisinei, anobvuma kuti anowirirana zvikuru naMapfumo.

“Ini ndini ndinozivikanwa zvikuru navatezvara vedu vekwaMurehwa nekuti ndakaroora. Uyu Mapfumo haana chaakabvisa. Wangu mwana ndiye mudiki uyo, wekutanga ndewake,” anodaro.

Katiyo, uyo anobva kuKasino, kwaMurehwa, akamboedza kuramba nyaya yekuti anoparika varume achiti akarambana naMapfumo.

“Mapfumo murume wangu, ndaimbenge ndakaroorana naye kare tikaita mwana wedu mukomana ane makore mashanu. Takazorambana asi anouya zvake pano achisiya kudya kwemwana nemari. Simba ndiye wandava kuda, tava negore nemwedzi 8 tiri tose. Akasvika kumusha kwedu akabvisa pashoma tsvakiraikuno chete, uye ndakamuitirawo mwana, “ anodaro Katiyo.

“Baba vangu, VaTimothy Katiyo naamai vangu, Joice Musakanyi, vave kuziva mukuwasha wavo mutsva, Chaitezvi,” anodaro.

Mudzimai uyu akatadza kupindura zvakajeka kuti akapihwa gupuro naMapfumo akarigashira here.

“Tete vangu, Veronica Katiyo, ndivo vanoziva zvakakwana nezvenyaya yevarume vangu vaviri ava, kuti mukuru ndakamusiya kare,” anodaro.

Uyu Mapfumo akarakidza kurwadziwa kukuru apo akawanikwa nevatori venhau achinwa zvake doro pabhawa riri padyo nepamba pavo.

“Inyaya inondirwadza zvikuru nekuti Chaitezvi akandikanganisira. Kupinda mumba mangu kutodanana nemukadzi wangu ini ndiripo?

‘‘Tinobikirwa pamwe chete nemudzimai wedu tichidya tose, hazvina mhosva nekuti ukaita hasha unokuvadza munhu ukaenda kujeri,” anodaro Mapfumo.

Nyaya yekugeza mbatya nekutsvaira pamba nekuita mamwe mabasa anoibvuma achiti “kubatsirana mabasa epamusha”, zvisinei kuti anonyara kudonongodza twose pamusoro pemagariro avanoita pachipari chavo sevarume.

“Ini ndinoita zvekuuya zvangu ndichiswerapo takandarara zvedu naivo babamudiki nemudzimai. Hapana chakaipa apa, ndinotenga kudya. Sanezuro chaiye ndakatenga huku tikadya pamwe chete,” anodaro.

Mapfumo anoti inherera sezvo vabereki vake vose vakashaika, uye angosarirwa nehanzvadzi nevakoma.

Anoti Katiyo anomutora sekunge ndiye amai nababa vake.

Vagari venzvimbo iyi avo vanoziva nezvemhuri iyi vanoti vari kunetsekana nekuda kwechipari ichi.

Sachigaro wewadhi 7 kuEpworth, VaKingstone Tafirenyika Saunyama (63), vanotsinhira kuti varume ava vanoparikwa nemudzimai uyu.

“Handisati ndamboona zvakadaro, Joice ane varume vaviri vaanogara navo pano.

‘‘Tatoshaya kuti tomudii nemaitiro avo aya. Akauya kuno achizoona sisi vake ndokudanana naSimbarashe sezvo Simba aiva nemari mazuva iwayo achishandisa chigayo chababa vake icho akazotorerwa nehanzvadzi dzake vaona kuti mari yaipedzwa nemukadzi uyu. Murume mukuru akazotevera kubva kwavaigara kuChitungwiza ndokusvikotanga kugara vose pamukadzi mumwe chete,” vanodaro VaSaunyama.

Vanoti vakambovadzinga pachitoro ichi nekuda kwenyaya iyi asi vakadzoka mushure menguva diki.

“Vose varume ava vanoda mukadzi uyu zvakadarikidza uye vanoita makwikwi ekumupa mari.

‘‘Mukuru anovaka, anouya nemazakwatira emari uyuwo mudiki ndiye muridzi wemba yavanogara inova yababa vake vanogara kuDomboshava. Joice anotodada nekuva nevarume vaviri,” vanodaro.

“Ndiye mumwe chete wandinoziva muZimbabwe muno mukadzi ane varume vaviri.

‘‘Vanowachiswa nekutsvaira mumba nekuita mamwe mabasa iye akagara. Hapana anoti pwee pakati pavo. Kedha akamborohwa nemukadzi uyu akawira pasi apo akada kutaura kuti arambe murume mukuru. Vanorohwa sevana vadiki vose.”

Vanoti baba vaSimbarashe vakanga vasina ruzivo nenyaya yechipari chinoshamisa ichi.

Mai Jane Gutsa (54), avo vanova sachigaro kudivi remadzimai kuwadhi 7 yekuEpworth, vanotiwo nyaya iyi yavakandisa mapfumo pasi.

“Ndakaedza kuti varume ava vasiyane nemukadzi uyu ndikazvitadza. Hamheno kuti chii chavakapihwa. Ndakambotora mukuru wacho ndikamutsiura ndichiti ndimutsvagire imba yekuroja timutsvagire mukadzi wekuroora muno akazviramba. Ndakamboti ndovarova here neshamu ndakazvitadza,” vanodaro.

“Ndakagara navo pasi ndikavati mumwe wenyu ngaabve kosara mumwe chete anogara nemukadzi pakuwirirana kwenyu asi vose vanoti vanoda mukadzi.”

Vanotizve vakakurudzira Mapfumo kuti anomhan’arira Chaitezvi kumatare edzimhosva kuti akamutorera mudzimai izvo asina kuita.

VaTichaona Muroiwa (45) vanoti nyaya iyi inoda kuendeswa kumadzishe vonotongwa kwaMurehwa kunobva Mapfumo nemudzimai wavo.

“Hamheno kuti mumba vanorara sei? Asi dambudziko ratava naro muno vanhu ava vachashoresa varume nemadzimai.

‘‘Saka isu tinoda kuti vabve muno, tangomirira kuona muridzi wechivakwa chiri kugara vatatu ava,” vanodaro.

Zvinonzi mubhedha unorarirwa nevatatu ava nemagumbeze ekufuga ndezva Mapfumo izvo anonzi akamboda kuzvipisa agumbuka.

Sahwira waChaitezvi, uyo akangozivikanwa nekuti Mr Bread, anoti nyaya yekuparikwa kwevarume vaviri ava hakuna asingaizive ikoko.

“Ndakayambira Kedha kuti asiyane nemukadzi ari kuvaparika uyu akanditi haakwanise kumusiya nekuda kwezvaanowana. Izvozvi munoziva, vamwe varume tinenge mhuka, varume vakawanda muno vave kumhanyira kumukadzi uyu vachida kuziva zvakavandika paari nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Mr Bread.

Zvakadai, nyaya dzevakadzi vanoparika varume dziri kuitika kumamwe matunhu sezvo kuine dzimwe nyaya dzerudzi urwu dzakambobuda munhau, zvikuru munzvimbo dzekumapurazi nekumakomboni ekumigodhi yezvicherwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey