‘Mukadzi igandanga pazvimbokoma’

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Mukadzi igandanga pazvimbokoma’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MURUME samusha anoti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake uyo anogara achimurikita zvekusvika pakumuti “ndichamangwiza chaiye” pazvibhakera.

Norman Madondo akataura mashoko aya mudare redzimhosva reHarare Civil Court mushure mekunge aendeswako naRegedzai Chaungwa achida gwaro redziviriro uye kuti abve pamba achiti ari kumushungurudza kuburikidza nekumurova pamwe nekumutuka.

Chaungwa anoti Madondo anogara achimurova uye kumutukidzira achiti ipfambi pamwe nekumuti muroyi.

“Changamire, ndauya pano ndiine chikumbiro chekuti murume uyu asiyane netsika yake yekundirova, kundituka nemashoko anorwadza ekuti ndiri pfambi uye muroyi,” anodaro Chaungwa.

Anoti Madondo anoshungurudza vana achivarova nekuvatuka.

“Baba ava handichavada pamba pangu nekuti vanoshungurudza vana kuburikidza nekuvatuka kana kuvarova saka ini ndaneta nazvo, ngavabve zvavo vaende,” anodaro.

Madondo anoudza dare kuti iye ndiye anotogara achizvambaradzwa nemudzimai wake.

Madondo anoti: “Amai ava vanonyepa kuti ndinovarova, handidaro. Ivo ndivo vanotondirova uye ndichamangwiza chaiye pazvibhakera. Ini ndinenge ndave kutongodzoserawo kurohwa kwandinenge ndichiitwa naamai ava.”

Anotizve hazviite kuti abve pamba apa nekuti anoda kugara achiona vana vake.

“Ini handibve pamba apa nekuti naamai ava tine vana tese saka anoda kuti vana vangu ndizovaonerepi kana akandidzinga? Ndinopokana nazvo izvozvo nekuti handibve pamba ndichisiya vana vangu,” anodaro Madondo.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chaungwa gwaro redziviriro ndokuti kana achida gwaro rekudzinga Madondo pamba pake anofanira kuenda kumatare anoona nezvenyaya dzakadai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey