Uncategorized

Mukadzi otiza dumbu

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Mukadzi otiza dumbu

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wechidiki wekunzvimbo yakagariswa vanhu patsva kupurazi reKim Court 2, kwaChihota atambudzwa nedumbu rake iro riri kungofutunuka, guvhu richikura ukuwo sikarudzi yake ichingorebenuka.

Mukadzi wake akatorova pasi achitiza mashura ari kuitika kumurume uyu. Vanoziva nezvedambudziko remurume uyu vari kuti ane runyoka kana kuti rukawo.

Honest Bandera (27) —uyo ari kushanda semuchengeti pamumwe musha kwaChihota kwakare, anoti akatizwa nemudzimai nekuda kwedambudziko iri, ndokusiirwa chindumurwa chemwana wavo ane gore nechidimbu rekuberekwa.

Murume uyu kumusha anobva mubhuku raFeredo, kuKapfudza kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin uye anoti vabereki vake havasati voziva nezvehurwere hwake. Pakasvikirwa Bandera neKwayedza ari pamusha, akawanikwa asingakwanise kusimuka uye achitambura kufema.

“Mukoma (kureva mutori wenhau uno), handichaziva kuti chiiko, ndaiva ndisina kudai kare. Ndava nemakore mashanu ndichichengeta musha uno asi izvi zvakangotanga ndokuona dumbu richifutunuka ukuwo sikarudzi ichizvimba nekureba.

“Vamwe vanonditi ndakaiswa runyoka kana kuti rukawo sezvinoita munhu akashinha nemudzimai kana murume wemunhu, asi ini handina kumboita izvozvo,” anodaro.

Makumbo emurume uyu akazvimba zvekutadza kufamba, izvo zvaanoti zvave kumutadzisa kushanda. Anotiwo kuzvimba kwakaita dumbu rake kwave kumutadzisa kudya zvakanaka.

“Handizive, dzimwe nguva mukadzi wangu wandaiva naye uyo akazonditiza nekuda kwedambudziko iri ane zvaakandiita nekuti akanditiza achiti ndaendere chii kuchechi kunobatsirwa. Mudzimai wangu uyu, Liosa Maburutse, akatiza nemwana mukuru wemakore mashanu okuberekwa ndokundisiira mudiki ava kuda kusvitsa makore maviri.

“Dambudziko rangu handina wekuritaurira sezvo wandinoshandira asingandibhadhare uyewo haandirapise, anogara kumba kwake kuHighfield.”

Bandera anoti haazive kune mudzimai wake wekumutiza sezvo achiti nharembozha yake isisaite.

“Pakatanga dambudziko iri, ndakaita zvekurota ndichitemwa nechinhu padumbu chichibva chapinda mukati. Mudumbu mangu makabva matanga kurwadza, guvhu ndokubuda kunze, sikarudzi ikatanga kureba ichizvimba.

“Ndakaenda kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital ndikanonzi ndine ‘hernia’ zvichinzi hura hwangu hwakamonana. Vakanditi ndivhiiwe asi mari yacho handina,” anodaro Bandera.

Bandera anoti akaenda kuchipatara ichi mumwedzi waGumiguru asi nekuda kwehurombo, ari kushaya $500 yekuti avhiiwe. Anorambisisa nyaya yekuti angangodaro akabatwa nerunyoka mushure mekushereketa nemudzimai wemunhu.

“Chirwere chakangouyawo, handizive kwachakabva. Zvemadzimai handiite, ndinopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu uko ndaimbonamatirwa.

“Vabereki vangu vanoti baba Chiposi Bandera (78) naamai Emillia Jack (68) havana chavanoziva, vachazongonzwa kuti ndafa,” anodaro achichema.

Anoenderera mberi: “Kudya chaiko handina nemwana wangu uyu, zvekupfeka nemagumbeze kana sipo zvose hatina. Ndiri kutochema mwana wangu, kuti kana ndikafa anosara achichengetwa nani. Handina hama muno kunze kwekumusha kune vabereki vangu namukoma, Garikai.”

Murume uyu anoti anorarama nekubatsirwa nevanhu vemunharaunda. VaTakunda Mazura (32) naVaGilbert Mari (35) vanove vavakidzani vaBandera vanoti ivo nevamwe ndivo vanogara vachibatsira murume uyu nemwana wake.

“Zuva rega-rega tinoona kuti murume uyu nemwana wake vadyei. Sipo chaiyo nemapiritsi tinovatengera kana kuvapa zvimwe zvekudzimba kwedu,” vanodaro VaMazura.

Vanotsinhirwa naVaMari vachiti hurwere hune murume uyu hunoda kuti pave nehama padyo dzinomubatsira.

“Sabhuku vedu VaMurehwa vanoziva nyaya iyi uye tinoshanda navo neruzhinji kuti murume uyu ararame,” vanodaro.

Chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanokurudzira Bandera kuti adzokere kuchipatara chavo kuti anobatsirwa.

“Hatigone kuziva kuti murume uyu anorwara nechii kana asina kuonekwa nanachiremba. Ngauye abatsirwe kuchipatara chedu kana kuenda kuchipatara chiri padyo nepaari,” vanodaro Dr Moyo.

Sekuru Elisha Mutanga vemumusha weUshewokunze, muHarare vanoti denda raBandera rinorapika pachivanhu asi rinoda kukurumidzirwa risati radingindira.

Makore mashoma adarika, pane madzimai matatu akazonoponera kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital avo vaiva nematumbu akazvimba vachifungidzira kuti vakaroyiwa zvinove zvaiva zvisirizvo.

‘‘Madzimai aya ndeanoti Portia Tapfumaneyi (39) wekuHighfield muHarare, Maidei Nemhara (51) wekuDomboshava naMensista Josphine Chavhundfuka (40) wekuNorton.

Vatatu ava vakavhiiwa pachena pachipatara ichi ndokubviswa zvinhu zvakasiyana zvaive zvakazvimbisa matumbu avo. Kune vanoda kubatsira Bandera vanokwanisa kumuridzira nhare dzinoti 0772 506 988, 0773 012 566 kana 0771 827 486.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey