Mukadzi waMugadzi haadi zvekumusha

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 1 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Mugadzi haaratidzi Masimba kuti pane zviri kumunetsa asi Masimba anozviona kuti pane chiri kunetsa murume uyu zvekuti naiyewo haazodyi kwenguva refu. Mugadzi apo anobuda mubhavhu anoenda kunotora mabhodhoro maviri ehwahwa mufiriji uhwo anodira muzigirazi ndokutanga kuhunwa.

Achinwa agere pasofa kudaro, pfungwa dzake dzakatanga kufunga nezvemazwi ainge ataurwa naMasimba aive maererano nevakadzi vemazuva ano vainge vasingadi kuenda kumamisha.

Anobva aona sekunge Masimba ainge ari kureva mukadzi wake.

Iye naamai vaSarudzai vaigara vakanetsana kwenguva yakareba nenyaya yakareyo.

Aida kuti mukadzi wake aende kumusha kunochengeta amai vake avo vainge vasisaoni zvakanaka nepamusaka pekuti vainge vafurirwa muziso nenyoka.

Pekutanga mudzimai wake airamba achiti murume aida kusara achidya mari nepfambi kunyangwe zvazvo ainge asingambozivi kana pfambi imwe chete yaMugadzi.

Paanonzwa izvi, murume anoti zvitete izvo, kwava kuvakira mukadzi chitoro pedyo nemusha chekuti mukadzi agotengesera.

Mudzimai haafariri kuenda kumamisha nekuti hakuna magetsi ndokufunga zano rekuti vainge vasingadi kuenda kusina chipatara nekudaro vainge vogara vachingorwara rwara zvekunyepera.

Nekupindana kwemazuva, vanotsvaga dzimwe nzira dzekunzvenga nadzo kuti vasaende kumusha.

Amai ava vainge vachifurirwa neshamwari dzavo amai Chipunza natete vavo vekuZengeza.

Mugadzi anomboedza kuita zvekumanikidza kudzamara azosvika pakumurova asi akazozviona kuti uku kwaive kuzvitsvakira ngozi dzisinei naye.

Aona kuti zvaramba anozopedzisira aita zvekutsvaga musikana wekuti anogara naamai vake.

Chitoro chiye chaainge avakisa chinoshaya anochishandisa izvo zvinonyanya kumushungurudza zvekuti kutaudzana nemukadzi kunove kushoma.

Musi uyu akagara pasofa achihushapura hwahwa, anopindwa neimwe pfungwa asi inombomuvhundutsa chose.

Pfungwa iyi yaive yokuti arambe amai vaSarudzai agowana mumwe mukadzi zvino aizomuwana here aibvuma kuchengeta vana vake sezvo aizviziva kuti vakadzi vashoma vangada kuchengeta vana vasiri vavo.

Kuti aite vakadzi vaviri akazvitya nekuti ambuya vake vainge vamuudza kuti chipari kuzviuraya uyewo sekuru vake Mugadzi vainge vaurawa nechipari sekutaura kwavo.

Murume mukuru anoshaya waanotaurira zviri kumurwadza mumwoyo nekuramba zvichikura, munhu oonekwa ava kuhudutira sekunge hwainge hwapara mhosva.

Panosvika nguva dzesere rume ratogundurutsa mabhodhoro masere, munhu ndokutangisa kutya aona vana vake havasati vasvika nguva idzi.

Anosimuka achinotora mamwe mabhodhoro maviri ehwahwa achiti ndiwo ekupedzisira.

Apo anodongorera mumba maMasimba anoona makadzimwa magetsi shasha iri kudzipfodora hope.

Kuti amumutse vagonwa vose hwahwa anoona zvisisaiti, nechekunowo pfungwa dzichingoramba dzichimun’en’ena kunyange zvazvo mumusoro doro rainge razara.

Enderero mberi svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links