Uncategorized

‘Mukadzi wangu inzenza’

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIMAI wekumhan’arira murume wake kudare achiti ari kumushungurudza akazoshaya pekupinda nenyadzi apo akanzi iye inzenza, anotamba neshamwari dzake dzinofamba dzisina kupfeka uye anouya kumba pakati pehusiku.

Delma Mabhena akafumurwa nemurume wake Linos Zindova mudare reHarare Civil Court uko ainge amumhan’arira.

“Baba ava vanondishungurudza nekundishaisa mufaro apo vanondidzinga pamba pedu uye kundirova nekundituka. Ndinoda kuti vamiswe zvose izvi,” anodaro Mabhena.

Zindova anoti Mabhena inzenza uye ane hunhu hwakashata. “Amai ava vane tsika yakashata, inzenza chaiyo nekuti humwe hunhu hwavo handihunzwisise. Mamwe mazuva anouya kumba pakati pehusiku uye anotamba neshamwari dzinenge dzekubhawa nekuti kupfeka kwacho unotoshaya kuti munhu akapfeka here, nyama dzese dzinenge dziri panze. Ndokusaka ndichizomurova,” anodaro Zindova.

Anoti zvakare haadzinge Mabhena pamba. “Handimudzinge pamba, kungoti chete haaterere kunyangwe ukamutsiura,” anodaro.

Mabhena anopikisana nemashoko aya achiti dziri kunzi ishamwari dzake hadzizi, asi kuti vavakidzani vanouya kuzokumbira mvura pamba pavo.

Mutongi Sharon Tatenda Chipanga akapa Mabhena gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links