Uncategorized

Mukadzi wekupiswa kumasowe: Muporofita wacho ari kutongwa

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Mukadzi wekupiswa kumasowe: Muporofita wacho ari kutongwa

Kwayedza

NYAYA yemuporofita uye wekuChitungwiza ari kupomerwa mhosva yekupisa zvakaipisisa mumwe mukadzi wechidiki apo anonzi akamuti anatire mvura yaipisa akaputirwa mugumbeze achiti ari kumubvisa mweya wetsvina ichiri kuenderera mberi mudare reChitungwiza Magistrates’ Court.

Muporofita uyu, Upenyu Uzire (35) wepanhamba 821 St Mary’s, kuChitungwiza, ari kutongwa achibva kumba mushure mekubhadhariswa mari yebhera uye ari kupomerwa kuti akapisa zvakaipisisa Theo Dollar Tsuro (23) wekuSt Mary’s.

Nyaya iyi ichaenderera mberi musi wa27 mwedzi uno apo dare richanzwa huchapupu kubva kune vamwe vafakazi.

Mutongi munyaya iyi ndiBlessing Murwisi, muchuchisi ari Edmond Ndambakuwa.

Muporofita uyu ari kutongwa pasi pemutemo weCriminal Codification and Reform Act Section 89 (Chapter 9:23).

Uzire ari kuramba mhosva yaari kupomerwa.

Muchuchisi Ndambakuhwa akaudza dare kuti nomusi wa17 Kurume gore rino, Uzire anonzi akashandisa nzira inokuvadza mukunamatira kwaaiita Tsuro izvo zvakamusiya akuvara.

Uzire anonzi akashandisa matombo akange achipisa ayo akaisa mudhishi raive nemvura yaipisa ndokuzodira fodya mukati.

Anonzi akatora gumbeze iro akafukidza Tsuro naro kuti anatire mvura yaikwata kupisa zvikaita kuti mumukadzi uyu atsve mawoko ake ose nemumabvi.

Tsuro akaudza dare kuti Uzire pamwe chete nemumwe waaive naye vakange vakatsikirira gumbeze iri nechekunze apo iye ainge achinzi anatire mvura yaipisa iyi.

Anoti paakavaudza kuti aitsva, vakaramba vakatsikirira gumbeze iri vachiti dhimoni ndiro raitaura kuti ari kutsva iro ravaida kuti ribve paari.

Anotizve paakazoburitswa mugumbeze raainge akaputirwa naro, Uzire akatora mamwe masora nemashizha akamukwiza nawo pamawoko ayo akange ave nemaziduzu ehutsva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey