Uncategorized

Mukadzi wemapoto ochema-chema

04 Jul, 2014 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekuchaya mapoto nemurume wemunhu, pashure ndokuzosiiswa basa paaishanda sezvo akaramba ongopihwa pamiviri, akachema-chema mudare achida kuti mari yemendenenzi iwedzerwe.
Moreblessing Dori akamhan’arira Cafias Vurayai kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi ipamhidzirwe.

“Ishe wangu, ndinokumbira kuti mari yemendenenzi iwedzerwe kubva pa$120 kusvika ku$200, mari haisi kundikwanira,” akadaro.

Dori akati Vurayai airamba achimuitisa vana izvo zvakasvika pakumutadzisa kuenda kubasa kuti azviriritire.
“Nababa ava takadanana ndichizviziva kuti vane mukadzi wavo, pandakaita mwana wekutanga ndakangoti pamwe zvakaitika nekusada. Asi takazoita futi mwana wechipiri.

“Pandakaita nhumbu yechipiri ndipo pandakabva ndamiswa basa akavimbisa kuti achandichengeta pamwe chete nekundibhadharira pandinenge ndichigara. Akati pamari yemendenenzi yaaindipa aizowedzera neimwe yemwana yechikoro pamwe chete nekubhadhara rendi.

“Ndazouya kuno kudare nekuti mari yemwana yechikoro haachabhadhara pamwe chete neyerendi. Handizivi kuti anoti ndinoiwana kupi apa vana ari kungondipa aine mumwe mukadzi.

“Ndikamuti mwana haasi kunzwa zvakanaka anonditi tora bepa rawakapihwa kudare nguva yapfuura uverenge kuti rakanyorwa kuti kudii, ndipo paunowana mari yako ipapo. Ava kukanganwa kuti akandikanganisa upenyu hwangu nekundiitisa mwana wechipiri,” akadaro Dori.

Vurayai akaramba mhosva yaaipomerwa naDori iyi achiti:
“Vakuru vedare, amai ava handizivi kuti mari yemendenenzi yandinovapa vanoishandisei. Ndakabvuma pamberi pedare kubhadhara $120 nekuti akanga ati ava kuda kuti mwana aende kuchikoro.

“Chakandishamisa ndechekuti pakasvika nguva yekuti mwana atangise chikoro vana vakasvika pakuvhura zvikoro iye asina kutombotsvagira mwana nzvimbo yechikoro.

“Mari yaari kutaura handiikwanisi nekuti ndine nemhuri yangu nevana vana zvaanoziva. Ndakadanana naye achitozviziva kuti ndine mukadzi wangu nevana.”

Vurayai akaenderera mberi achiti Dori akazomutsiridza zvekudare mushure mekunge amuramba.
Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>