Mukadzi wemuchato oda $500

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME samusha wekudhonzerwa kudare nemudzimai wake wemuchato achida mari yekuzvichengeta akatsika madziro achiti hapana mari yaanomupa nekuti haazi chembere uye anokwanisa kuzviriritira.

Tryness Ndaramashe akaendesa murume wake, Enias Ndaramashe, kuHarare Civil Court achida kuti apihwe mari yekuzvichengeta.

“Changamire, ndauya nemurume wangu ndichida kuti andipewo mari yekuti ndizvichengete nekuti muchato wedu unondipa mukana wekuti ndipiwe mari naye,” anodaro Tryness.

Anoti anoda $500 pamwedzi nekuti basa raanoshanda harimupe mari yakawanda yekuti akwanise kuzviraramisa.

“Ndiri kuda $500 pamwedzi nekuti basa rangu harina mari yakawanda, ndinotoita zvekushevedzwa ndichiwana $10 mwedzi wese,” anodaro Tryness.

Anoti Enias anotambira $700 pamwedzi uye haana imwe mhuri kunze kwevana vavo vanova vatokura vasisade kuchengetwa.

Asi Enias anoti haakwanise kupa Tryness mari nekuti ava munhu mukuru anofanirwa kuzvishandira.

“Handina mari yandiri kuda kumupa ini, ngaashande kwete kuda kushandirwa nevamwe akagara hake iye asingarware uye haasi chembere,” anodaro Enias.

Anoramba kuti anotambira $700 asi kuti $265 pamwedzi iyo anoti inosara yave shoma nekuda kwezvikwereti zvaari kubhadhara.

“Handitambire mari yakawanda kudaro ini, ndinotambira $265 asi ndinotozosarirwa neshoma nekuti ndine zvikwereti zvandiri kubhadhara,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati Enias abhadhare $70 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>