Uncategorized

Mukanda: Chuma cherudo

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Mukanda: Chuma cherudo

Kwayedza

— Nevarume vave kudawo chinamwari l Vanodzidzisa tsika iyi vari kuwanda

Muchaneta Chimuka —
“CHUMA kana kuti mukanda unopfekwa muchiuno nevakadzi wakafanana negiya remota kana kuti injini muzukuru, inoita kuti mota imuke.”

Aya mashoko aMbuya Agnes Makokotela (60) vekuBudiriro 5, muHarare, avo vanova nyanzvi pakudzidzisa vanhukadzi nzira dzekufadza nadzo vadikani vavo pavanenge vari muimba yekurara – chiya chinonzi chinamwari.

“Murume wese kana nguva yekusasana nemukadzi yakwana, anobata muchiuno chemukadzi. Saka isu tinoti anobata chuma, vamwe vanochiti mukanda. Chuma ichi ndicho chinomuyevedza.

“Pasvondo, ndiri kudzidzisa madzimai ari kuvarume nevasikana vanodarika gumi. Kunewo vamwe varume vari kuuya kwandiri vaine madzimai avo vachibhadhara kuti ndivafundise,” vanodaro Mbuya Makokotela.

Kwayedza yakashanyira vanozviti inyanzvi dzakasiyana, avo vanopa zvidzidzo zvechinamwari munzvimbo dzinosanganisira Budiriro, Mbare neDzivarasekwa kuti inyatsonzwisisa pamusoro petsika iyi.

Vatori venhau vakaita rombo rakanaka sezvo vakabvumidzwa kupinda maiitwa zvimwe zvezvidzidzo zvechinamwari umo vanhukadzi vaive mushishi.

Zvisinei, vatori venhau havana kuzotenderwa kutora mifananidzo yezvidzidzo izvi sezvo mamwe emadzimai aya aiva ari musvo.

Vakadzi ava vakange vabva kunzvimbo dzakasiyana, kusanganisira misha inogara shoroma seBorrowdale neMt Pleasant.

Chirongwa chichitanga, madzimai anoitiswa mitambo inosimbisa miviri vakapfugama uye panguva iyi kangoma kana kuti mabhodhoro anenge achiridzwa zvichienderana nekarwiyo kechiChewa. Karwiyo aka kanenge kachifambirana nezvinoitwa nevanenge vachidzidzira.

Paidzidziswa vakadzi ava, vamwe vaitobuda ziya sezvinonzi vari pabasa rakaomarara. Vamwe vaitambura vachitombomira.

Mbuya Makokoteka vanoti chuma chinopfekwa nevanhukadzi muchiuno ichi chinenge chakagadzirwa nemishonga yekusimbisa wanano.

Vanotizve chima ichi chinofanirwa kupfekwa muimba yekurara bedzi, kwete kushambadzwa sezvava kuitwa nevamwe vakadzi avo vanofamba chiri pachena.

Zvimwe zvezvikamu zvemitambo yechinamwari zvaiitiswa neimwe nyanzvi yekuDzivarasekwa, Mai Dorothy Siyani (47), avo vanove chizvarwa chekuMalawi.

Izvi zvinosanganisira vakadzi kufundiswa kuwaridza mibhedha nemabatirwo emudikani. Madzimai aya aidzidziswa zvakare pamusoro pekukosha kwechuma kana kuti mukanda. Panguva iyi, mumwe nemumwe anenge achishingairira kuti apase zvidzidzo zvake.

“Pano tinofundisa madzimai chinamwari uye ndakatanga basa iri muna1981 nekuti ndakaberekerwa kurudzi rwechiChewa kunoitwa izvi. Ndakatofundiswawo ndichiri mudiki kwazvo.

“Nekuona kuti munyika mune dambudziko rekushaya vanatete vanorayira vanasikana vasati vaenda kuvarume, ndakasarudza kuvadzidzisa ndichitora basa iri sebhizimisi,” vanodaro Mai Siyani.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinobhadharisa pasvondo rimwe chete randinofundisa munhu achiuya zuva nezuva zvekuti munhu anotoenda ave kugona zvose, ave kupepeta serusero.”

Imwe nyanzvi yechinamwari – Mbuya Efrida Meja (65), vekuMufakose – vanoti zvinotora mwedzi kuti mukadzi apedze zvidzidzo.

“Chinamwari chinoitirwa mumba kwemwedzi wose uye hachifaniri kushambadzwa kuvanhu nekuti mukadzi anoitira izvi mudikani wake bedzi. Kana mudzimai achitevera anopfeka chuma chitsvuku ozopfeka chichena kana apedza.

“Mazuva angu uye murume wangu asati ashaika, ini ndaipfeka zvuma 50 muchiuno zvainge zviine mushonga wemupfuhwira kuti asasiyane neni,” vanodaro.

DOROTHY SIYANI

Vanoti kana mukadzi achinge azoshaya, murume anofanira kuendesa chuma ichi kunana tete vemukadzi nhumbi dzake dzisati dzagovewa nekuti kana chikangoshaikwa bedzi anoripiswa. Kwayedza yakazoita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vakapa mafungiro avo pamusoro petsika iyi.

Mbuya Muvhiyi (75) vekuMufakose vanoti tsika yechinamwari yakakosha, zvisinei nekuti havadi kuti vana vavo vazviite nekutyira kuti vangazoguma voita hunzenza.

“Ini ndakadzidziswa chinamwari muna 1958 ndave kugadzirira kuchata asi vana vangu handidi hangu kuti vaitiswe izvi. Vana kana vakadzidziswa vari vadiki vanogona kurasa hunhu vakagumusira vave kungoshandiswa nevarume,” vanodaro.

Boss Cadder (39) wekuMt Pleasant – uyo akawanikwa neKwayedza ari kuMufakose – anoti anotsigira tsika yechinamwari.

“Tanzwa nekudyira nguruve mukunyara. Zvinonetsa kuudza mukadzi kuti hausi kundifadza. Tinoda madzimai anoziva chinamwari, ndosaka ndiri muno muMufakose ndichibva kuMt Pleasant kwandinogara,” anodaro Cadder.

Melissa Chomiri (26) anoti chinamwari chinochengetedza dzimba.

Mbuya Beauty Gowa (60) vekuMufakose zvakare vanotiwo: “Zvakakosha kuti vana vadzidziswe chinamwari pane kuti vagozodzoswa kuvarume. Chero tikada kuvanzira vana zvepabonde, vave kuzviwana pamakombiyuta nemafoni. Zvakare, hakuchina vanatete vari kurayira vana nyaya idzi izvo zviri kuita kuti varoorwe vasingazivi zvinodiwa muwanano.”

Mai Gaudencia Muranga (35) vanotiwo mamwe madzimai echidiki anzwa nekuchinjanisa varume apo vanorambwa vachiita vana vane mitupo yakasiyana nekuda kwekushaya ruzivo rwekuchengetedza dzimba.

Zvisinei, Mai Sesekai Mavura (47) vanoti vamwe varume vari kugumisira vapihwa zvirwere zvepabonde kumabhawa uko vanonotsvaga vakadzi vanenge vachinzi vanoziva chinamwari saka zvakakosha kuti mudzimai agare azvidzidzira asati aroorwa.

Fungai Ndaradza (26) wekwaZvimba anoti akazvipira kubhadhara mari oga kuitira kuti mudzimai wake adzidze chinamwari.

“Dambudziko riripo nderekuti mamwe madzimai anodya mari yacho ukati aende kunofundira chinamwari kana kutoita nharo achiti, ‘Wandishorei ini munhu ane nemakore ndichibereka vana pano.’ Madzimai ngaadzidze kuterera zvinodiwa nevarume isuwo tichivatererawo,” anodaro.

Mumwe mukadzi wechidiki, Sikhanyisisiwe Moyo (22), anoti vanasikana vanofanira kufundiswa zvakazara zvinoita kuti vakwanise kuzofadza varume vavo pavanenge vazoroorwa.

“Dambudziko nderekuti mazuva ano ukada kurayira mwana wemunhu, unoswera wave kujeri nenyaya idzi nenhau dzemitemo yekodzero dzevanhu. Asi tsika nemagariro zvinofanira kutevedzwa,” anodaro.

VaKenneth Bhero (35) vekwaMurehwa vanopikisana netsika yechinamwari vachiti inogona kupedzisira yorunzira vamwe vakadzi kuita hunzenza.

“Mudzimai akadzidziswa chinamwari idambudziko chairo nekuti anogona kutorwa nevamwe varume,” vanodaro.

VaTerrance Chinyerere (50) vanoti dzimwe wanano dziri kuparara nekuda kwenyaya yekutadza kufadzana muimba yekurara.

“Chinonetsa ndechekuti ndikadzora mudzimai kumusha kwake nekuda kwekutadza, chekutanga unoona amai vake vachiuya vachiti ndivaudze chanetsa. Asi iri basa harizi ravo, ndera tete. Saka tinongovaudza dimikira rekuti, ‘mwana wenyu haagoni kuwaridza mubhedha,’” vanodaro.

Aleck Maputsa (23) anotiwo anoda mukadzi anoziva chinamwari.

“Madzimai akadzidzira chinamwari ndiwo andinoda,” anodaro. Kubva nakare, tsika yechinamwari inozivikanwa ichiitwa nevanhu vemarudzi anosanganisira chiTonga, Shangaani neChewa. Asi mazuva ano — nekuda kwekusangana kwemarudzi — chinamwari chave kungoitwa nevanhu vakawanda uye vakasiyana, chero zvada moyo wemunhu.

Share This:

Sponsored Links