Mukombe ndewani?

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Mukombe ndewani? Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka —
RWENDO rwekurwira mukombe weCastle Premiership rwatsvuka ropa apo pasara mitambo mina chete kuti mwaka wa2017 uchipera uye vatsigiri venhabvu vave nechidokwa-dokwa chekuda kuona kuti mukombe uchatorwa nechikwata chipi.

Gore rino rinogona kuita rekutanga kubva muna 1980 kuona mukombe uyu uchisimudzwa nechikwata chisiri chemuHarare kana Bulawayo.

Parizvino, Ngezi Platinum Stars ndiyo iri kutungamira palog ichiteverwa neFC Platinum iyo iri kuifemera mugotsi mayo sezvo zvikwata zviviri izvi zvakaenzana pazvibodzwa asi zvakazopatsanurwa negoal-difference. Kozoti DeMbare – iyo yakambotungamira zvikuru palog – yakagara pechitatu iine zvibodzwa 58 kubva pamitambo 30 yayatamba.

Varairidzi vezvikwata zvitatu izvi – Tonderai Ndiraya weNgezi Platinum Stars, Norman Mapeza weFC Platinum naLloyd Mutasa weDynamos – vave kufanirwa kurakidza hunyanzvi hwavo mumitambo mina yasara nekuti achangobwaira chete anozopepuka mukombe waenda. Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nevatsigiri pamwe vaongorori venhabvu vakasiyana avo vanopa mafungiro avo pamusoro pekuti ndechipi chikwata chichahwapura mukombe uyu.

Shasha pakuongorora nhabvu – Chris “Romario” Musekiwa – ari zvakare mutsigiri mukuru wemaWarriors neDynamos FC – anoti ari kuona mukombe uchisimudzwa neDynamos sezvo achiti chikwata ichi chine ruzivo rwakanyanya rwenhabvu uye pachasvika apa hachichadzoreki.

“Kubva makare, Dynamos kana yave pairi apa inenge yatove nehuturu hwekuti ichangogumura zvikwata zvose zviri pamusoro yobva yaenda nemukombe. Zvikwata zvinoti Ngezi neFC Platinum zvichiri zvitete pamutambo uyu hazvimbofe zvakakurira DeMbare, zvinovhunduka zvasvika,” anodaro Musekiwa.

Mushamarari wenhepfenyuro yeStar FM, Yvonne Mangunda, anoti gore rino nderaNdiraya nekuti matambiro akaita chikwata chake svondo radarika apo chakakunda Dynamos chakarakidza kuti chiri kudya marasha zvekuda kuhwina mukombe.

Anoti Ngezi Platinum yasarirwa nemitambo yakaoma uye inogona kuihwina yese pane zvimwe zvikwata zvasarirwa nemitambo yakapfava.

“Svondo radarika, Ngezi yakarakidza kuti ine huturu apo yakakunda DeMbare saka matambiro ayakaita ichikunda chikwata chikuru chakaita seDeMbare zvinorakidza kuti mitambo yayo yese yasara inogona kuihwina. Mukombe ndewaNdiraya uyu,” anodaro Mangunda.

Mashoko ake anotsinhirwa naKelvin Mujuru anove mumwe wevatsigiri venhabvu muHarare achiti mukombe wave mumaoko eNgezi Platinum Stars.

“Mwaka uno nhabvu iri kunakidza chaizvo, pane basa uye gomo guru rekukwira. Asi ini ndiri kuona Ngezi Platinum Stars ichipedzisa basa nekuti iri kutamba nhabvu inodakadza izvo zvayakarakidza svondo radarika. Dynamos handichaione apa ini,” anodaro Mujuru.

Ngezi Platinum ichasangana neBantu Rovers, Chicken Inn, FC Platinum neTriangle mumitambo yayo yasara.

FC Platinum ichasanganawo neZPC Kariba, Tsholotsho FC, Ngezi Platinum neChapungu United.

Kozoti Dynamos ichasangana neChapungu United, Bulawayo City, Bantu Rovers neChicken Inn FC.

Share This:

Sponsored Links