Mukuru wechikoro azviita

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views
Mukuru wechikoro azviita VaNation Mpinduri vakabata mabhuku avo maviri avakanyora. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza

MUKURU wechikoro cheHartley 2 Primary School, kuChegutu, anoti anorwadziwa zvikuru nekudofora kuri kuita vamwe vana chidzidzo cheMathematics izvo zvakamutuma kunyora nekutsikisa mabhuku maviri ayo ave kushandiswa kubva Grade 1 kusvika 7.

Mabhuku aya ndeanoti Heritage Succes in Maths for Grade 7 neHeritage Succes in Maths Revision uye rimwe racho rine mhinduro nemibvunzo.

Rine mhinduro rinoshandiswa nevadzidzi apo vanoita dzokororo dzavo, zvikuru pagadziriro yekunyora bvunzo dzeGrade 7.

VaNation Mpinduri (48), avo kumusha vanobva mubhuku raChipuriro, kuGuruve, vanoti vakave neshungu dzekunyora mabhuku maviri aya nedonzvo rekubatsira vadzidzi vari kunetseka neMathematics.

“Ndakambenge ndiri murairidzi wemasvonhu kupuraimari kwemakore 20 saka mumakore andaibata basa rangu ndairwadziwa zvikuru nekudofora kwaiita vana vazhinji, kunyanya masvomhu. Ndicho chikonzero ndakasarudza kunyora mabhuku aya, kuti abatsire vadzidzi.

“Chishuviro changu ndechekuti mwana wose asasiye chidzidzo chemasvomhu uye achipase,” vanodaro VaMpinduri. Vanoti mabhuku aya vakatanga kuanyora muna2011 ndokuzoadhindisa gore rapera kuburikidza nekambani yeHeritage Press.

“Mabhuku aya akabvumidzwa nevebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari kuti apinde muzvikoro. Kutaura kuno atove mumisika uko tiri kubatsirwa kuatengesa neveHeritage Press mumatunhu ose.”

VaMpinduri vanotsanangura nezvekukosha kwakaita mabhuku aya kuvadzidzi.

“Mabhuku aya anofambirana nehurongwa hwedzidzo uhwo huri kukurudzirwa neHurumende, hwePerfomance Lag Address Programme (PLAP). Kureva kuti anobata mazera ose ari muzvikamu zvedzidzo.

“Anokwanisa kushandiswa nemwana ari Grade 1 kana 4 zvichienda mberi asingaite kuti vadzidzi vatye masvomhu nekuti ane tsanangudzo dzose dzekuti masvomhu iwayo anoita kuti mudzidzi aburitse mhinduro kwayo,” vanodaro.

Vanotiwo mabhuku aya ane misoro yenyaya iyo inobatsira vadzidzisi kunyangwe vaye vasina kufundira basa kuti vakwanise kufundisa vana zviri nyore. “Mabhuku aya, ane dudziro inobatsira vadzidzi kuti vazive zvinodiwa nemubvunzo uye ane dzokororo nekuti ndiyo bedzi inobatsira kuti vadzidzi vapase. Masvomhu anofanira kuitwa zuva nezuva kuti zvipinde muuropi sekuti dzokororo ine simba.

“Zvakare, nyaya dzekuenzaniswa kwemikana dzizere mumabhuku aya zvinova zvakaita kuti abvumwe nebazi rezvedzidzo. Taipa mienzaniso zvakaenzana kuitira kuti vadzidzi vasafunge kuti masvomhu anopaswa nevanhurume asi kuti kune vamwe vanhukadzi vari kuapasa kudarika varume.”

VaMpinduri vari kuchema-chema nenyaya yekutengeswa kwemabhuku avo pamwe chete neevamwe pamisika yemikoto.

“Pamabhuku aya, rimwe riri kuita $12 uye rimwe racho $10 kumisika asi munoona vamwe vanhu vanoda zvemahara vachinoadhindisa patsva vobva vatengesa nemari iri pasi zvikuru. Izvi zvinoita kuti isu varidzi vebasa vanenge vakarwadziwa kwemakore mazhinji tichiedza kuburitsa mabhuku aya tirasikirwe.

“Hurumende inofanira kusimbaradza mutemo unorwisa mhosva dzekutengeswa kwemabhuku pamisika yemikoto nekuti zvinodzikisira zvipo zvinenge zvichifanira kuratidzirwa munyika,” vanodaro.

VaMpinduri vanoti itarisiro yavo kuti munguva inotevera vachakwanisa kushambadza mabhuku avo padandemutande (on-line marketing).

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>