Uncategorized

mukuwasha anogarira ambuya pamakumbo. . . achitochekwa nzara

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
mukuwasha anogarira ambuya  pamakumbo. . . achitochekwa nzara George Chikafa (pakati) akakomberedzwa naAmbuya wake Mai Emillia Makan’a nemudzimai wake Rita Makan’a (akabata mwana)

Kwayedza

Kingstone Mapupu
AMBUYA nemukuwasha vekumapurazi akagariswa vanhu patsva kwaMambo Makope, kuMutorashanga, vonzi vari kudanana zvekudanan zviya – kutoita kupengesana murudo zvekuti mukuwasha anotogara pamakumbo aambuya vake mbune, achitochekwa nzara.

Nyaya iyi iri kutaurwa nevakawanda mudunhu iri, kunyangwe zvazvo vaviri ava vari kuti “kungowirirana kwedu uko kusingafadze vazhinji vane godo”.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjanja, vanotsinhira nyaya yaambuya vanogara kunzvimbo yeTara Store kupurazi reOmeath 2 C avo vanonzi vari kudanana zvemberi nemukuwasha wavo mbune.

Emillia Makan’a

“Nyaya iyi yakasvitswa kwandiri, yekuti ambuya nemukuwasha vari kudanana. Ndakavamirira kuti vaunzwe kudare rangu nekukurumidza, vadavire mhosva dzavo. Hadzisi nhema, zvakambofamba sei kuti ivo bedzi vangonangwa mudunhu rino rose kuti vanodanana? Hapana panopfungaira hutsi pasina moto,” vanodaro Mambo Makope.

Nzvimbo inonzi iri kuitika chipini iyi inotungamirirwa naVaIshmael Mukandi (54) vanovazve sachigaro wevarimi ikoko. VaMukandi vanotsinhirawo nyaya yemakunakuna iyi.

“Inyaya iri muno iyi, kuna amai vanonzi Emillia Makan’a (42) vari kudanana nemukuwasha wavo, George Chikafa (27) anova murume wemwanasikana wavo chaiye, Rita Makan’a (23).

George Chikafa

“Nyaya iyoyi yave kundiremera nekuti yave kuzivikanwa nevakuru vemuno. Saka zvava kuda kuti ambuya ava nemukuwasha wavo vazvichenure voga mudare, kana vakonwa nemhosva voripiswa,” vanodaro VaMukandi.

Vachibvunzwa nezvemakunakuna aya, Chikafa naambuya vake vanoramba zvekuti vari kupengesana murudo vachiti mashoko aya ari kutaurwa nevavengi vasingade kuvaona vachiwirirana. Chikafa anoramba achiti aya mashoko evavengi vasingade kuvaona vachiwirirana.

Rita Makan’a

“Inyaya inogara ichitaurwa muno, taneta nayo. Mashoko iwaya anobva kwanasekuru vangu avo vaisada kuti ndiroore mudzimai wandinaye uyu.

“Ndinofunga ndine munyama mukuru, upenyu hwandinorarama hausi hwangu. Mungafunge kuti ndine mapoinzi 13 here paForm 6 ini? Vanhu vanoda kuti tirambane nekuti ambuya vangu vaitambudzika zvikuru kusvikira ndazopinda mumhuri iyi ndokutanga kugara tose,” anodaro Chikafa. Mai Emillia Makan’a vanorambawo kuti vanodanana nemukuwasha.

“Ndashayei kudanana nemukuwasha wangu? Hongu tinoonekwa nguva dzose nemukuwasha tichiita basa kubindu kana rimwe remumusha. Chokwadi ndingagovane bonde nemwanasikana wangu here?

“Uyo murume akatiza wandaigara naye hunyope, aitadza kuchengeta mwana wake waakandipa, kwete zvekuti ndinodanana nemukuwasha,” vanodaro ambuya ava. Mwanasikana wavo, Rita Makan’a, anotiwo murume wake haadanane naamai vake.

“Murume wangu akauya kuti tizogara kwaamai vangu ini ndarambwa nanasekuru vake uko aigara. Ikoko ndiko kunobva makuhwa aya,” anodaro.

Asi VaMukandi vanoti pane mashoko anoti nguva zhinji Chikafa naambuya vake vanoonekwa vachirezvana pavanoenda kunodiridza kubindu ravo.

“Inyaya yandinoziva muno sasachigaro, kungoti handisati ndava neumboo hwakazara. Vanoonekwa kubindu kwavo, mukuwasha akagarira ambuya pamakumbo, dzimwe nguva vachichekana nzara.

“Vamwewo vanoti vakatombovaona varere vose panzvimbo pavaisasanira pakazowanikwa makondomu akashandiswa,” vanodaro VaMukandi. Vanotaura vanoti ambuya ava vakatanga kudanana nemukuwasha uyu asati adanana nemwanasikana wavo.

Mai Emillia Makan’a vanonzi vakatombotongeswa nekuda kwenyaya iyi kuchechi kwavo. Mudzimai uyu anonzi akatizwa nemurume wake wekutanga ainzi Mashanda uye ange ogara nemumwewo murume anozivikanwa saTombolombo.

Tombolombo anonzi akatiza zvakare mushure mekuziva kuti Mai Emellia Makan’a vanodanana nemukuwasha.

“Ini semutungamiri, ndave kupihwa mhosva nevanhu yekuti ndiri kurega vaviri ava vachikanganisa chivanhu ndakayeva. Asi chiripo ndakamirira kubata chokwadi chekudanana kwavo, ndikavabvunza amai ava nemukuwasha wavo vose vakazviramba,” vanodaro VaMukandi.

Mai Jane Mukandi (43), vanova mudzimai waVaMukandi, vanotiwo nyaya yekudanana kwaambuya ava nemukuwasha wavo iri kutaurwa.

Kuchiti Mai Aloisia Mukau (57), avo vanonamata chechi imwe chete naMai Emellia Makan’a, vanoti nyaya iyi yakabvira kare kutaurwa.

“Amai ava vakabvunzurudzwa kuchechi vakaramba nyaya iyi vachiti anongova makuhwa. Asi zvinonetsa kuti sei ichinangana naivo chete muno mune vakuwasha nanaambuya vakawanda,” vanodaro.

“Takavati mashayeiko, inga varume vakawanda munyika muno pane kudanana nemukuwasha? Nyaya iyi yava nemakore ichitaurwa,” vanodaro Mai Mukau. Mai Rosemary Mamhare (52) vekupurazi reOmeath F vanoti iyi haisi nyaya itsva, yekuti mukuwasha naambuya vari kudanana.

“Ichi chipini chaicho. Dai vakuru vagadzirisa nyaya iyi zvisati zvakanganisa kunaya kwemvura,” vanodaro.

Tonderai Chipfu (27), mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, anotsinhirawo nyaya iyi achiti yava kuzivikanwa nevakawanda.

“Ambuya nemukuwasha ava vanongofamba vari vaviri, mwanasikana waamai ava asipo. Vanoswera vose kubindu asi mwanasikana wavo asipo.

“Vanenge vachitaura nyaya dzei? Vanoonekwa vachirezvana, isu tinavo vanaambuya asi tinotya kusvika padyo navo,” anodaro Chipfu.

Share This:

Sponsored Links